‘Amai vangu muri pfambi, ndoda kukuurayai’

26 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
‘Amai vangu muri pfambi, ndoda kukuurayai’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

CHEMBERE inogara kuWestern Triangle, muHarare, yakademba mudare reHarare Civil Court ichiti mwanakomana wayo anoituka zuva nezuva achiti ipfambi yemakoko.

Chiratidzo Chamunorwa anoti Cosmas Chamunorwa (46) anotora zvinodhaka izvo zviri kuita kuti agare achimushungurudza.

“Mwana uyu anoti kana atora zvinodhaka anondituka zvakaomarara zuva nezuva. Anonditi ndibve pamba nekuti upfumi hwese hwakasiiwa nababa vake ndehwake uye asvika pakuti haachabvumidza vamwe vana kusvika pamba,” anodaro Chiratidzo.

Anoenderera mberi achiti: “Ari kudzinga muzukuru anondichengeta. Muzukuru uyu ndiye anoona kuti ndaenda kwachiremba nekuti ndine chirwere cheshuga neBp, ndiye anoona zvekare kuti ndadya here uye ndageza nekupfekawo zvakachena saka handichazivi kuti ndoita sei mambo wangu.

“Kutaura kuno akati anoda kundisungirira netambo kuti ndife. Kudare kuno ati haauye, ndatomusiya achitora zvinodhaka pagedhi.”

Cosmas haana kuenda kudare.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Chiratidzo gwaro redziviriro ndokuti Cosmas abve pamba paamai vake nemusi wa19 Kurume 2024 wakatongwa nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links