Akapfurwa nepfuti kuMacheke

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MURUME aizvifambira husiku kupurazi reFair View, kuMacheke, anonzi akapona nepaburi retsono apo akarohwa nemabara mushure mekuridzirwa pfuti nemunhu asati ave kuzivikanwa asi ari kufungidzirwa kuti aivhima zvisiri pamutemo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nyaya iyi yakaitika manheru emusi wa25 Chikunguru.

“Tiri kutsvaga munhu akapfura Sam Kakondowe (22) wekupurazi reLincoln rakaganhurana nereFair View, uyo akakuvara zvikuru,” vanodaro Insp Muzondo.

Kakondowe anonzi akanga achibvakachira shamwari yake apo akasangana nemunhu aiva nemwenje wetochi ndokutanga kumutevera ari pamuganhu wemapurazi aya.

Insp Muzondo vanoti Kakondowe akaramba achitevera murume uyu apo nharembozha yake yakazorira achibva aidavira izvo zvakavhundutsa munhu ari kutsvagwa nemapurisa uyu.

Munhu uyu anonzi akavheneka Kakondowe netochi kumeso asi akaedza kuvhara kumeso kwake kuti asavhiringwe nechaedza chemwenje.

Insp Muzondo vanoti murume uyu anonzi akaridzira pfuti kuna Kakondowe kamwe chete achibva apfurwa apo akabva atanga kuchema achishevedzera rubatsiro.

“Kakondowe akazopfurwa katatu zvakare ndokudziuka maronda emabara panzvimbo dzinosanganisira pabendekete, padumbu nepagumbo uye murume uyu anonzi aiva nembwa,” vakadaro Insp Muzondo.

Mushure mekunge Kakondowe akuvadzwa, anonzi akazoenda kuPlot 3 kwaanogara uko akanobatsirwa naEasther Nyikayaramba ndokuendeswa kuchipatara cheMacheke. Akazodarikidzwa kuchipatara cheNhowe uko airapwa kusvika pakudhindwa kwebepanhau rino.

Insp Muzondo vanokumbira veruzhinji vangave neruzivo pamusoro penyaya iyi kuti vavabatsire kusunga mupari wemhosva iyi nekuridza nhare panhamba dzinoti 0783 189 906 kana kutaura navo panhamba dzinoti 0773 553 148 kana 0279-24145.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>