Akapondwa ndokupiswa

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MAPURISA ari kuferefeta nyaya yemurume anonzi akawanikwa akafa uye akapiswa muviri wake pedyo neRowan Martin Building muguta reHarare.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Dzvova, vanoti murume uyu haasati azivikanwa zita rake. Vanoti mapurisa ari kukumbira vanhu vasiri kuziva kune hama yavo kana vanogona kunge vakangoshaya hama yavo kuti vaende vanoona mapurisa ari pedyo navo zvibatsire mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa30 Ndira gore rino, apo mutumbi wemumwe murume wakaonekwa uri muzigomba rinoputitsirwa matombo pamhiri pemugwagwa uri padyo neRowan Martin Buliding, muHarare. Mutumbi uyu wainge yakapiswa nematayi zvekuti chiso chemunhu hachichatooneki,” vanodaro Asst Insp Dzvova .

Vanoti vari kukumbira veruzhinji kuti vabatsire mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Tiri kutokumbirawo kune veruzhinji vane ruzivo maringe nemafiro emurume uyu uye kana pane vari kushayawo hama yavo vazivise mapurisa ari padyo navo,’’ vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>