Akarasika njere abirwa US$3k nemudzimai

13 Apr, 2023 - 18:04 0 Views
Akarasika njere abirwa US$3k nemudzimai Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti aimbove mudzimai wake akamubira US$3 000 mubhanga make zvikaita kuti iye amborasika njere pamwe nekukonzera kuti ambomiswa basa.

Anoti izvi zvave kumuita kuti atadze kuchengeta mhuri yake.

Casper Chimhara ataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court uko aendeswa naYolanda Mumba achida kuti amubatsire kuchengeta vana vavo vaviri.

“Baba vevana havana chavari kubatsira nacho pakuchengeta vana, mumwe ndakatomuendesa kumusha kuti anodzidza ikoko nekuti upenyu hwemudhorobha hwakaoma. Anogara achitaura kuti anoda kuti nditambure nevana ivava.

“Mumwe musi akapfuura nepabasa pangu akati haufe wakabata mari yangu, uchatambura nevana ivavo, ndokusaka ndauya kuno kuzobatsirwa nedare,” anodaro Mumba.

Chimhara anoti haakwanise kuchengeta vana vake nekuti haasi kuenda kubasa.

“Ndakamiswa basa pamusaka pemukadzi uyu, akaba mari inosvika US$3 000 mubhanga mangu ndikasvika pakurwara nepfungwa nenhau yekufungisisa zvainge zvaitika. Izvi zvakazokonzera kuti ndimiswe basa nekuti ndainge ndisichashandi zvakanaka.

“Saka pari zvino ndakagara kumba, ndaimboita basa rekutengesa shangu asi akaenda nadzo dzose nemari yaive mumba nekudaro ndakasara ndisina kana pekutandingira,” anodaro Chimhara.

Mumba akabva amugama achiti zvose izvi manyepo sezvo Chimhara achiri kushanda kubasa kwake.

Mutongi Sharon Mashavira vakapa mutongo wekuti Chimhara abhadhare US$60 pamwedzi yekuchengeta vana vake.

Share This:

Sponsored Links