Akatengesa mota, ndokuiba, ndokuitengesa

02 Dec, 2021 - 10:12 0 Views
Akatengesa  mota, ndokuiba,  ndokuitengesa

Kwayedza

Gibson Mhaka

MURUME wekuPlumtree akasungwa nemapurisa eko nemhosva yekuba motokari yaainge atengesera mumwe munhu.

Chido Abel Chifeku (33), uyo anogara murukisheni rweDingimuzi, anonzi akaba motokari yaainge atengesera Irvine Muzenda (34) anodzidzisa pachikoro cheImvimila High School chiri kwakare kuPlumtree achishandisa mamwe makiyi emota iyi aakange asara nawo.

Zvinonzi nemusi wa15 Gumiguru gore rino, Chifeku akatengesa motokari yemhando yeToyota Raum kuna Muzenda nemari inosvika US$1 100 kuburikidza neshamwari yake Yeukai Jimu.
Motokari iyi yakange isina mavhiri ose uye Muzenda akabhadhara US$600 Chifeku asati amupa bhuku remotokari nekiyi imwechete.

Vaviri ava vakawirirana kuti Muzenda aizofanirwa kubhadhara US$500 yakange yasara kusvika nemusi wa31 Zvita 2021.

Mushure mekupihwa motokari iyi, Muzenda anonzi akaigadzirisa ndokubva aipaka panzvimbo yaanogezera mota.

Zvinonzi nemusi wa29 Gumiguru, Chikefu akaenda kunzvimbo inogezerwa motokari apo Muzenda akange asipo ndokubva aba motokari iyi achishandisa mamwe makiyi aakange asara nawo paakaitengesa.

Anonzi akabva atengesa motokari iyi zvakare kuna Muzi Dube wepachikoro cheKwite Primary School.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Chifeku asungwe.

Nekuda kwemhosva iyi, Chifeku akamiswa mudare achitongwa pasi pemutemo weSection 113 of the Criminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.

Haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi uye nyaya yake iri kuenderera mberi nekutongwa apo anenge ari mutirongo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>