‘Amai makanditorera murume’

24 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Tatenda Shuro
AMBUYA vekupomerwa kuti vakambodanana nemukuwasha wavo vakazomhan’arira mwanasikana wavo kudare vachiti ari kuvashungurudza nenyaya iyi.

Namatirai Mashingaidze akaendesa mwanasikana wake, Ndanatswa Musekiwa, kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Mambo wangu, uyu wandakamhan’arira mwana wangu wokubereka uye ane vana vake vaviri. Anondituka zvandishaisa rugare achinditi makadanana nemurume wangu imi.

“Ndoda hangu kuti abve pamba pangu nokuti handichina rugare nemwana uyu. Akadzinga vashandi vangu vose vainge vachindibatsira kupurazi uye maroja angu avakaendesa zvakare,” anodaro.

Musekiwa haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake panyaya iyi.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mashingaidze gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>