‘Amai ndimi makauyara baba’

07 Apr, 2023 - 07:04 0 Views
‘Amai ndimi makauyara baba’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti mwanakomana wake nemudzimai wake vanogara vachimutuka kuti muroyi wekupedzisira uye kumupomera kuti ndiye akauraya baba vake.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court uko Nester Dukwara aendesa mwanakomana wake, Maxwell Dukwara, achida gwaro redziviriro.

“Nemwana wangu uyu hatiwirirani zvachose uye handifungi kuti tichazowirirana. Pose paanouya pamba anondituka kuti ndini ndakauyara baba vake anove murume wangu uye kuti ndini ndakauraya mwana wake zvekare. Anondituka kuti ndiri zimuroyi wekupedzesera, izvi anozviita akangonwa doro chete,” anodaro Nester.

Mutongi Tamara Chibindi vakabvunza Maxwell kuti sei ari kugara pamba pevabereki vake sezvo ave munhu abva zera uye ane mhuri yake.

“Uri kuona dambudziko rako kuti riri kubva pakuti haufaniri kunge uchigara pamba pemubereki nezera rako iroro? Unofanira kugara kwako woga mopota muchishanyira amai kwete kugarisana.

“Vamwene nemuroora kazhinji havagarisane zvakanaka, enda unotsvaga pako pekugara,” vanodaro

Maxwell anoti anotaura mamwe mashoko akaipa kuna amai vake nekuda kweshungu dzekurwadziwa nezvavanoita.

“Amai zvimwe zvavanoita unotoona kuti vari kufurirwa nehanzvadzi dzangu zvekutoti mudzimai wangu anopedzisira asisina rugare izvo zvinozondibatawo. Mukubvunza amai vangu, ndipo panozobuda mashoko akaipa.

“Zvisinei, pamba pavo ndakabva, chandiri kudawo ndechekuti varegedze kundishungurudzawo nemhuri yangu,” anodaro.

Nester anoti haadi kuona Maxwell zvakare achisvika pamba pake.

Mutongi Chibindi vapa Nester gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links