Anorova mukadzi zvose namai vake

26 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
Anorova mukadzi zvose namai vake Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUMWE mukadzi anoti haachada chikomba chake nekuti chine katsika kekumuzvambaradza kumurova chichibatanidzira naamai vake pamwe nevana.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Mary Matsaudza akaendesa Enerst Marimo achiti aneta kugara achitukwa nekurohwa.

“Akatanga kundirova anorovawo mwana wangu zvakare uye amai vangu vakada kurandutsira anovazvindikita futi,” anodaro Matsaudza.

“Handichada chikomba ichi nekuti chakapa chimiro chakaipisisa kuna amai vangu. Ndinokumbira arege kusvika pamba pandinogara, ngaasiyane neni uye handichada nezvake zvachose. Muviri wangu wakazara mavanga pamusaka pekurohwa, ngaarege zvakare kugarira mwana wangu pagedhi rechikoro kuti amurove sezvaanoita kana tatadzirana.”

Achipawo divi rake, Marimo anoti chakaita kuti vanetsane naMatsaudza inyaya yerendi.

“Takanetsana mushure mekunge anditi ndimubhadharire rendi, ndichingopedza kudaro ndokubva andidzinga pamba ndokurasira midziyo yangu panze saka inini ndiri kuda kuti andidzosere mari yangu,” anodaro Marimo.

“Haafaniri kundirambidza kusvika pamba apa nekuti pane makasitoma angu sezvo ndichiita basa rekugadzira mafiriji uye ndave nehushamwari nevanhu vanogarapo,” anodaro.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Matsaudza gwaro redziviriro ndokuudza Marimo kuti asasvike pamba panogara mukadzi uyu.

Share This:

Sponsored Links