Ambuya nemukuwasha dhuma!

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Ambuya nemukuwasha dhuma!

Kwayedza

Garnet Zvimba
VAMWE ambuya, amai vemudzimai, vakaomerwa nemate mukanwa apo mukuwasha wavo wavakanga vaendesa kudare akadura pachena kuti mwanasikana wavo akamuudza kuti iye ingomwa nekudaro mwana wavaida kuti achengete haasi wake. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Jesy Mwanza akaisa chikumbiro chekuti anoda $400 yekurera mwana kubva kumukusha Andrew Mhlanga sezvo amai vemwana uyu vari kunze kwenyika.

“Ndiri kuchema kudare kuti rindibatsire ndipihwe mari yekuchengeta mwana nemurume uyu sezvo amai vacho vari kunze kwenyika. Mutoro wekurera mwana wandikunda apa vabereki vemwana vari vapenyu.

“Baba vacho vari apa ava vanogadzira magetsi vachihora $1 000 pamwedzi zvandinotoziva asi kuti achengete mwana wake haadi. Zvese zvaari kutaura kuti mwana haasi wake manyepo pamberi pedare, akagara nemwana wangu makore maviri achitomubhadharira imba. Nhasi uno ndipo anoda kuramba sei nyaya iri pachena?” akadaro.

Mhlanga akatsika madziro achiti: “Ini handikwanisi kubvisa mendenenzi pamwana asiri wangu. Amai vemwana iyeyu vakandiudza pachena kuti mwana atori nababa vake, kwete ini. Ndakagara nemwana kwemakore maviri ndichiti mwana ndewangu asi amai vacho vakandigura kunorira, ngavaendese mwana kuna baba vacho amai vemwana vanokuziva.

“Ini handisi kumboramba mwana asi kana ndakaudzwa kuti mwana haasi wangu ndingaite sei?”
Mutongi Ruth Kamangira akarasa chikumbiro chaMwanza achiti amai vemwana ndivo vaifanira kuuya kudare kuti vape uchapupu hunogutsa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>