Angova maguta egorosi

19 Oct, 2022 - 15:10 0 Views
Angova maguta egorosi Baba naMai Chisoko vari mumunda wavo wegorosi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vanokurudzirwa kuti vakoshese kurima zvirimwa zvakadai segorosi kuitira kuti Zimbabwe iwane chikafu chinokwanirana.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaMisheck Chotokomere vanova acting director weAgritex kudunhu reMashonaland Central, avo vaive vakamirirwa naVaBernard Torovasei, apo vaive muenzi mukuru pagungano revarimi vegorosi (field day) papurazi reSatchel riri kuGlendale kuMazowe.

Purazi iri nderaVaGeorge Chisoko, avowo vanova director kubazi rezvekuburitswa kwemashoko.

VaTorovasei vanoti gorosi chimwe chezvirimwa zvakakosha munyika muno panyaya dzekuwanisa veruzhinji chikafu.

Vanoti varimi vanofanirwa kurima gorosi uye ndokupa muenzaniso wepurazi raVaChisoko nemudzimai wavo, Mai Junior Chisoko, avo vakarima gorosi pamunda wemahekita 28.

“Nhasi tiri pano papurazi raBaba naMai Chisoko vakarima munda wegorosi wakakura mahekita 28. Sebazi rezvekurima, tine zvikamu zvezvirongwa zvekusimudzira kuwanikwa kwechikafu munyika tichitarisana nechirongwa cheNDS1,” vanodaro VaTorovasei.

Vanorumbidza Hurumende nezvirongwa zvinosimudzira mabasa ekurima zvinosanganisira zvekupa varimi mombe, mbudzi nehuku.

Varimi mumunda

Vanoti dunhu reMashonaland Central mwaka uno rakarimwa mahekita 15 000 egorosi iro rinofanirwa kuchengetedzwa zvakanyanya kubva kumoto wesango kuti risaparadzwe.

“Ngatigadzirei ma’fire guards’, muno (Mashonaland Central) takarasikirwa negorosi rakatsva muminda kunzvimbo dzakasiyana nekuda kwemoto wesango,” vanodaro VaTorovasei.

VaChisoko vanorima vachidiridzira uye vanoti basa rose rinoitwa nemudzimai wavo anova maneja papurazi iri.

Mai Chisoko vanoti vakarima mahekita 28 egorosi uye vanotarisira kukohwa matani anodarika 166.

“Ndinoshanda zvakanaka nababa VaChisoko, ndinenge ndiri pano nguva zhinji ivo vari kubasa. Kunze kwegorosi, takarima chibage chinyoro mahekita matatu icho chava kutumbuka.

“Tichibvisa gorosi mumunda, tiri kudyara soya beans mahekita 28 uyewo takarima sugar beans. Tinobatsirwa zvakanyanya kurima neZFC,” vanodaro Mai Chisoko.

Vachiona gorosi

Vanotenda vashandi vavo vatanhatu nekuvatsigira mubasa ravo rekurima.

“Takatanga basa rekurima iri mugore ra2002 tawaniswa munda muchirongwa cheHurumende chekugariswa kwevanhu patsva. Minda yedu yose tinodiridzira, dambudziko nderekudzimwa-dzimwa kwemagetsi.

“Munda wedu wava mudiki sezvo tiine mahekita 29,9 purazi rose,” vanodaro Mai Chisoko.

Vanoti mvura yavo inokwanirana iyo yavanowana kubva mudhamu reNyamavanga.

Vemakambani vaivapowo pagungano iri vachipa varimi mazano.

Muzvare Wendy Madzura achiratidza gorosi

Muzvare Wendy Madzura, vanova murimisi mukuru kukambani yeSeed Co vakakurudzira varimi kutevedza mitemo yose yavanotaurirwa nevarimisi.

“Zvakakosha kuti pakudyara ndipo panoonekwa kuti zvirimwa zvedu zvine huwandu hwakadii kana zvazomera. Pamusoro pezvo, ngatisarudzei mbeu chaidzo pakurima,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>