‘Anorova vana vari musvo’

01 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
‘Anorova vana vari musvo’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wekuRuwa anoti haadi zvachose kuona aimbove murume wake achisvika pamba paanogara nemhuri nekuti akamutiza muna2020 apo aiita katsika kekudanana nevasikana vebasa uye akatengesa upfumi hwose hwavaive nahwo hunosanganisira motokari.

Varaidzo Mapaike akaudza dare reHarare Civil Court kuti Admire Mutembadzi iye zvino ave kudzoka kumba nekuti aona kuti apedza kudya mari yake yose neshamwarikadzi.

“Takasiyana nemurume uyu uye handichada nezvake zvachose, ndakaedza kuudza hama dzake asi iye ari kuramba kurambwa. Ane tsika yekuuya pamba otanga kundituka nekundirova achiti ndiri kuunza chikomba pamba. Akati ari kuda kundiuraya saka ndave kutyira upenyu hwangu,” anodaro Mapaike.

“Ane tsika yekuuya pamba pakati pehusiku otanga kuita ruzha nekundishungurudza nevana. Mumwe musi akabvisa vana hembe ndokutanga kuvarova vasina kupfeka. Ndinokumbirawo asasvike pamba uye arege kundironda pamwe nekuterera makuhwa ezvinhu zvandisiri kuita.”

Mapike anoenderera mberi achiti: “Takasiyana muna2020 nekuti aiita basa rekudanana nevasikana vebasa, pamwe pacho aitouya nemusikana wake mumba vorara. Akasvika pakutengesa motokari dzose uye iko zvino aona kuti haasisina mari ndipo paave kuda kudzoka pamba. Kana achida kuona vana vake anovaonera hake kure kwete pamba nekuti pese paanouya anondishungurudza, handisisina mufaro,” anodaro.

Achipawo divi rake, Mutembadzi anoti hapana kwaari kuzoenda nekuti imba ndeyavo vose.

“Bongozozo rakatanga apo ndakamubvunza nezvechikomba chiri kupinda mumba, hazvina kumufadza ndokusaka auya kuno kudare. Ndagara ndichienda kunoona vana sezvo tisiri kugara tese asi imba ndeyedu tese,” anodaro Mutembadzi.

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Mapaike gwaro redziviriro ndokuudza Mutembadzi kuti erege kumuronda, asasvike pamba achiita ruzha asi kuti anofanira kunoona vana murunyararo uye vawirirana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>