Aponderwa shamwarikadzi

13 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
Aponderwa shamwarikadzi

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME wekuNyazura anonzi akafa mushure mekubaiwa nebanga nevamwe varume vaviri apo vairwira shamwarikadzi nemusi weMugovera wadarika.

Mutumbi waCharles Mahati wakaonekwa uri mudivi reropa padivi pemugwagwa mushure mekunetsana kwaanonzi akange aita nevarume ava.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.

“Moses Mutitsve nemushakabvu vakaenda kuOdzi kunoona shamwarikadzi yemufi. Vakazoenda kuDarkhouse Night Club kunonwa doro. Mumwe wevari kufungirwa kuti vakapara mhosva iyi, Clemence Mashuku (34) uyo aive neshamwari yake yakangozivikanwa saWashington, vakazobvunza mushakabvu uyu nezveshamwarikadzi iyi, iyo zita rake risina kuzivikanwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vakamubvunzurudza zvakare kuti sei aifamba aine machete. Mahati akazopa munhu aitengesa mubhawa iri machete kuti aichengetedze. Pakazomuka kusanzwisisana apo Mahati akabva atema Clemence nemazitombo maviri zvakaita kuti akuvare padama rekurudyi.”

Vanoti Mahati akabuda kunze kwebhawa iri achida kunozvibatsira ndokuteverwa naMashuku pamwe chete naWashington.

“Hazvina kubuda pachena kuti vakamurwisa here. Zuva rakatevera, Mahati akawanikwa akafa mutumbi wake uri mudivi reropa pedyo nebhawa iri. Aive ane ronda rakadzika zvikuru raitaridza kuti akachekwa pahuro pake kudivi rekurudyi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanofungirwa kuti ndivo vakapara mhosva iyi havazi kuzivikanwa kwavari uye Asst Insp Chinyoka vanokumbira kune veruzhinji vane ruzivo nezvenyaya iyi kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links