Apwatika kuseka mudare

01 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
Apwatika kuseka mudare Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME anogara kuMbare, muHarare, akashamisa vanhu apo akatanga kupwatika kuseka mudare reHarare Civil Court mudzimnai wake paaipa umboo hwekumushungurudza kwaari kuita achimurova nesimbi nekumudzinga pamba.

Amanda Tsodzo akazvuzvurudzira Darlington Chigumedzi kudare iri achida gwaro redziviriro.

“Murume uyu anogara achindituka nemashoko anonyadzisa pamberi pevana nevavakidzani achiti handina zvandinobatsira nekuti ane pfambi yake inomugutsa. Handisisina chimiro munzvimbo yandinogara nekuti vavakidzani vave kuziva zvese zvandiri nezvinoitika mumba mangu,” anodaro Tsodzo.

“Ane tsika yekutaura zvakaipa pamusoro pangu kuhama neshamwari dzake, ndangove munhu akaipa pamberi pevanhu. Chimwe chinondishungurudza ndechekuti haadi kuchengeta vana kana kundipa mari, chaanongoita kundirova nesimbi nekundidzinga pamba. Mumwe musi ndakatozomhanya kumapurisa tikagariswa pasi tichipangwa mazano asi anoramba achidzokorora.”

Achipawo divi rake, Chigumedzi akaputika kuseka achiti zvose zvataurwa naTsodzo ndezvekunyepa.

“Takambonetsana nemudzimai wangu tikazonobatsirwa nemapurisa, ndinodaira kuti pane vanhu vari kumufurira nekuti ndaifunga kuti tagadziriswa nemapurisa,” anodaro Chigumedzi.

Mutongi Johanna Mukwesha vakayambira Chigumedzi pamusoro pekuseka kwaakaita ndokumuudza kuti dare haisi nzvimbo yekuita zvedambe zvachose.

Vakapa Tsodzo gwaro redziviriro ndokumuti aende kudare rinoona nezvemendenenzi kuitira kuti Chigumedzi achengete vana vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>