‘Ari kundisvibisa paFacebook’

17 Oct, 2023 - 16:10 0 Views
‘Ari kundisvibisa paFacebook’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anochema-chema mudare achiti ari kushungurudzwa nemumwe mukadzi ari kuita basa rekumushambadza padandemutande reFacebook neTiktok achitaura zvakaipa pamusoro pake.

Marvellous Mubaya akaudza dare reHarare Civil Court kuti aneta nekusvibiswa zita rake pamwe nekutukwa panhare naPaida Karidza.

“Mambo wangu, mukadzi uyu ane tsika yekundituka panhare achiti ndiri pfambi uye ndiri ‘small house’, anoti iye atori nane nekuti i‘first wife’. Apedza kudaro, anobva anyorazve padandemutande reFacebook achiudza vanhu kuti ndiri pfambi.”

Mubaya anoenderera mberi achiti: “Kutaura kuno akatovimbisa kuuya kukereke kwangu kuti audze vafundisi kuti ndiri ‘small house’ uye ndiri pfambi. Ndinokumbirawo kuti azviregedze nekuti vanhu vandinotengesera zvinhu havachandinzwisisa uye bhizimusi racho riri kuramba richidzikira pamusaka pemashoko ake aanotumira zuva roga roga.”

Karidza haana kuenda kudare.

Mutongi Mandlenkosi Ndlovu vakapa Mubaya gwaro redzivirio.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>