Arovera mukadzi mari yechikafu

14 Sep, 2022 - 16:09 0 Views
Arovera mukadzi mari yechikafu

Kwayedza

Mashudu Mambo

MUKADZI ane makore 32 okuberekwa anogaras kuBellevue, kuBulawayo akazvambaradzwa nemurume wake sechirango chekukumbira mari yekutenga chikafu.

Izvi zvakabuda apo Jobho Njanje akamiswa pamberi pemutongi Busani Sibanda achipomerwa mhosva yekurova sezvinotsanangurwa muchikamu cheSection 3 (a) (i) nechikamu 4 chemutemo weDomestic Violence Act Chapter 5:16.

Jobho anobvuma mhosva yake uye akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mipfumbamwe.
Mwedzi mishanu yemutongo uyu yakasendekwa parutivi paine chitsidzo chekuti abhadhare faindi ye$30 000.
Mutongi akamubvisira mwedzi mina yaive yasara nechitsidzo chekuti haapare imwe mhosva yerudzi urwu kwemakore mashanu anotevera.

Dare rakanzwa kuti nomusi wa1 Gunyana gore rino nenguva dza6.30 manheru, Memory Njanje akasvika pamba akawana murume wake aine vana.

Jobho akamubvunza kuti sei mumba maiva musina zvokudya.
Memory anonzi akashatirisa murume wake apo akamupindura achimukumbira mari yekuti atenge chikafu.
Jobho akabva amurova nezvibhakera kumeso katatu.

Memory akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakazoita kuti murume wake asungwe.

Share This:

Sponsored Links