‘Tinoda runyararo munguva yesarudzo’

20 Aug, 2023 - 09:08 0 Views
‘Tinoda runyararo munguva yesarudzo’ Gorreti Mudzongo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MASANGANO emadzimai anoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachichengetedza runyararo panguva ino apo nyika yakatarisana nekuita sarudzo nemusi wa23 Nyamavhuvhu.

Kurudziro iyi yakaitwa pagungano muguta reHarare svondo rino apo paikurukurwa maringe nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhurume munyaya dzezvematongerwo enyika.

Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti: #EndViolenceVoteForHer.

Chakapindwa nemasangano anosanganisira Women and Law in Southern Africa Zimbabwe (WILSA), UN Women, Women’s Coalition of Zimbabwe, Gender Links, Zimbabwe Council of Churches, Women’s Academy for Leadership and Political Execellency neHivos.

Mai Gorreti Mudzongo vanova UN Women advisor vanoti sangano ravo rave nenguva yakareba richitsigira vanhukadzi muzvirongwa zvakasiyana.

“Sangano reUN Women rava nemakore mashanu richitsigira zvirongwa zvemadzimai ane shungu dzekupinda mune zvematongerwo enyika senzira yekuzadzikisa nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pavo nevanhurume uye tiri kuita izvi pasi pechirongwa cheFramework on Women’s Political Participation (WPP). Kana madzimai akawaniswa rutsigiro rwedzidzo uye zvekushandisa, tinoona vachibudirira mune zvose zvavanenge vachiita uye zvishuviro zvavo zvinozadzikiswa,” vanodaro.

Vanoti sangano ravo riri kushanda nemapoka anosanganisira Zimbabwe Electoral Commission (ZEC), Zimbabwe Gender Commission nebazi rezvemadzimai nekusimudzirwa kwenharaunda uye mabhizimusi madiki neari pakati nepakati mukutsigira vanhukadzi.

Belinda Ncube anova operations and programmes manager kuZimbabwe Institute anoti madzimai ane zvigaro mune zvematongerwo enyika vachiri vashoma zvakanyanya.

Belinda Ncube

“Hatidi mhirizhonga zvachose nekuti ndiyo imwe inoita kuti madzimai atyire kure kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika. Musarudzo dziri kuitwa musi wa23 Nyamavhuvhu, tingori nechikamu che11 percent chemadzimai ari kupinda muNational Assembly kana tichienzanisa ne89 percent yevarume apowo chikamu che14 percent chemadzimai chiri kupinda muLocal Government uye mudzimai mumwe chete bedzi ari kukwikwidza pachidanho chemutungamiriri wenyika,” anodaro.

Fadzai Ruziwe anova legal officer kusangano reWILSA anoti panoda kutorwa matanho akasimba kuitira kuti madzimai akawanda apinde munyaya dzezvematongerwo enyika.

“Madzimai ngativei nemweya wekutsigirana uye kuti tigone kumira pachezvedu,” anodaro.

Reverend Faresy Sakala vekuZimbabwe Council of Churches vanoti kana madzimai akakwikwidza mune zvematongerwo enyika, zvinobatsira mubudiriro yenyika.

“Hatidi mhirizhonga munguva yesarudzo. Mhirizhonga inodzorera zvinhu zvose kumashure, inosiya vanhu vaine mavanga, vanhu vanorasikirwa nemidziyo yavo kana neupenyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>