Asungirwa mari yemakabichi

02 Apr, 2023 - 14:04 0 Views
Asungirwa mari yemakabichi Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA yekutadza kuvimbika mubhizimusi yaparira murume wekuMayambara, kwaSeke, uyo akaita museve waenda neuma mushure mekuhodheserwa muriwo wemakabichi 3 456 achibva aregedza kupa munhu ainge amupa basa iri mari yake.

Chrispen Gore (50) akatadza kuripira Christian Mutsvuguma (27) wepanhamba 22 mumugwagwa waGobvu, kuZengeza, kuChitungwiza, makabichi ake anokosha US$384 ayo akamuhodhesera.

Mutsvuguma akavimbiswa naGore kuti aizopihwa mari yake mukati memazuva maviri uye kana achinge asina kutengwa, aizodzora makabichi acho izvo asina kuzoita.

Mutongi Chiedza Manase vapa Gore chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu uye vakazomubvisira mwedzi mitatu nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura.

Vaenderera mberi nekumubvisira mwedzi mitatu yange yasara nechitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari US$384 musi wa31 Kubvumbi gore rino usati wadarika.

Muchuchisi Tendai Geza vaudza dare kuti nemusi wa17 Gumiguru gore rapfuura munguva dzemangwanani, Gore akapihwa makabichi 3 456 naMutsvuguma kuti atengese mukati memazuva maviri.

Chitenderano chaivepo chaive chekuunza mari kana kudzora muriwo uyu kana usina kutengwa, izvo zvose zvisina kuzozadzikiswa zvikaita kuti Gore amhan’arirwe kumapurisa.

Zvisinei nekuti Gore anorambisisa mhosva iyi, dare ramubata nemhosva zvichitevera umboo huripo.

“Mushure mekupa Gore basa rekutengesa makabichi angu, akabva atanga kungoshaikwa. Ndakaedza kumufonera panhare yake asi aingotsika-tsika zvakazoita kuti ndimusungise,” anodaro Mutsvuguma.

Mutsvuguma abudisa umboo mudare hwemameseji aaitumira kuna Gore achibvunza mari yake asi achingovimbiswa mashoko emanyepo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>