Azvitengera ‘tombstone’

21 Feb, 2022 - 09:02 0 Views
Azvitengera ‘tombstone’

Kwayedza

Stanford Chiwanga

MURUME wekuBulawayo, uyo anorwara negomarara, anonzi akashamisa imwe kambani inogadzira matombo ekuisa pamakuva apo akaudza vashandi vepo kuti vamugadzirire dombo rekuzoisa paguva pake kana azofa sezvo achifungira kuti vemhuri yake vanozotadza kuisa raanoda.

Murume uyu anonzi akaudza Jeffrey Nyevhe anova director weimwe kambani inogadzira matombo epamakuva kunzvimbo yemaindasitiri yeThorngrove kuti ndimuzvinabhizimisi akabudirira chaizvo uye akaenda kwaiiswa matombo pamakuva akaona zvakawanda.

Murume uyu (zita rake tinaro) anoti akabatwa gomarara uye haasisina nguva yakareba yekurarama.

Izvi zvakabuda apo Kwayedza yakabvunza Nyevhe kuti kune vanhu vanouya kwaari vachitenga matombo epamakuva zvisinganzwisisike here.

“Tinogadzira matombo epamakuva maererano nezvinenge zvichida vanhu. Chimiro chaunoda nemanyorerwo aunenge uchida kuti riitwe, tinoita. Mutengi ndimambo.

“Muna 2017 mumwe muzvinabhizimisi akauya kumahofisi kwedu akati anoda kuti timugadzirire dombo repaguva rake. Takafunga kuti raiva rehama yake asi akatishamisa paakati nderake.

“Anoti haasisina nguva refu achirarama sezvo akabatwa gomarara uye anofunga kuti vemhuri yake vanozotadza kumutengera dombo raanoda. Akabhadhara mari yake yose tikamugadzirira dombo rake.

“Tapedza kurigadzira, akauya akaritora. Akatiudza kuti kana nguva yasvika hama yake ichatifonera voenda nesu kwaanenge avigwa kuti tinovakira dombo racho,” anodaro Nyevhe.

Anoti mugore ra2020, kambani yavo yakaita mumwe munhu zvakare akauya kwavari nechikumbiro chekuti vachinje dombo raive raiswa paguva raamai vake.

Mumwe murume ari kuSouth Africa, uyo aitambudzika nebhizimisi rake, anonzi akabhadhara kambani iyi kuti ichinje dombo repaguva raamai vake achiti akanga audzwa nen’anga kuti amai vake vaisafara nerudzi rwedombo iri.

Njevhe anoti murume uyu akange aisa dombo dema paguva raamai vake asi n’anga yakamuudza kuti vaida reruvara ruchena.

“Takatobvisa dombo dema raiva paguva pacho tikaisa jena sezvo murume uyu aiti amai vake vanga vasina kuzorora uye kusafara kwavo kwaikonzeresa kuderera kwebhizimisi rake,” anodaro Nyevhe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>