Baba vakamitisa mwanasikana

25 Sep, 2015 - 04:09 0 Views
Baba vakamitisa mwanasikana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuGlen View 3, muHarare akamira mudare achipomerwa mhosva yekubata chibharo mwana wemukoma wake ane makore 15 okuberekwa kwegore rose kusvikira abata pamuviri. Murume uyu, uyo ane makore 20 okuberekwa, asi watisingakwanise kudura zita rake sezvo aine hukama nemumhan’ari, akamiswa pamberi pemutongi wedare reHarare Magistrates’ Courts, Noel Mupeiwa.
Ari kutongwa ari mutirongo uye mutongi Mupeiwa akati kana achida bhera, anokumbira kudare guru reHigh Court.

Dare rakaziviswa kuti mwanasikana anonzi akabatwa chibharo uyu atove nepamuviri pane mwedzi minomwe.
Muchuchisi Tinashe Makiya akaudza dare kuti pane fungidziro huru yekuti chibharo ichi chakabvira kuitwa gore rapera.

Anoti murume uyu anonzi aiita katsika kekuenda kubhedhuru kwemwanasikana wemukoma wake pakati pehusiku achinomubata chibharo.
Mwana uyu anonzi rimwe zuva akamboridza mhere senzira yekuti vamwe vanhu vanogara pamba apa vazive zvaiitika asi babamudiki vake ava vakabva vabuda mumba maaive vachitiza.

Mushure mesvondo rimwe, babamudiki ava vanonzi vakatora mukana wekusavapo kwevanhu pamba apa ndokubhinya mwana uyu panguva iyo ainge arere.
Izvi zvinonzi zvakaenderera mberi kusvika mumwedzi waNyamavhuvhu gore rino.

Vaviri ava ndibaba nemwana patsika dzechivanhu.
Zvinonzi nomusi wa8 Nyamavhuvhu, baba vemwana uyu vakazonzwa runyerekupe rwekuti aive ava nepamuviri ndokutaurira amai vake kuti vamuongorore.

Mwana uyu anonzi ndipo paakataurira amai vake kuti anobatwa chibharo nababamudiki izvo zvakaita kuti murume uyu asungwe.
Mune imwewo nyaya yakada kufanana neiyi, mutongi wedare reHarare Magistrates’ Courts, Francis Mapfumo akatonga nyaya yemumwe murume ane makore 34 ekuberekwa uyo aipomerwa mhosva yekubata chibharo mukadzi anorwara nepfungwa.

Tichaona Mbiriri, wepanhamba 788 Old Canaan, kuHighfield, muHarare akanyimwa bhera pamhosva yaari kupomerwa iyi.Mbiriri anonzi akabatikidzwa ari mushishi kubata chibharo mukadzi anorwara nepfungwa uyu kuma8 husiku mumugwagwa High-Glen pedyo neGreatstride College, muHarare.

Mumwe murume aidarika nepanzvimbo yaiparirwa mhosva iyi, Peter Mandaza, ndiye akasunga Mbiriri ndokuenda naye kumapurisa.
Mbiriri ari kutarisirwa kudzoka zvakare kudare munguva pfupi iri kutvera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>