‘Baba vanondituma kugirlfriend’

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Baba vanondituma kugirlfriend’

Kwayedza

Muhamed Komboni ari kwaMutare

MUKOMANA anogara kuHobhouse, kwaMutare, akamiswa mudare reko achipomerwa mhosva yekuparadza motokari yababa vake zvikaita kuti ipwanyike girazi remberi mushure mekunge anetsana navo pavaiva vamutuma kuti aende kunotora shamwarikadzi yavo nemotokari iyi.

Welldone Tariro Nyamugure (22) svondo rapera akabvuma mhosva yake yekupunza hwindo remota yababa vake, Innocent Nyamugure, apo akamiswa pamberi pemutongi Muzvare Prisca Tendai Manhibi wedare reMutare Magistrate Court.

Welldone akafumura gure rose zvikaita kuti baba vake vashaye chimiro mudare umu.

“Ndinobvuma mhosva yekutema girazi remberi remota yababa vangu nedombo zvikaita kuti ripwanyike. Ndakaita izvi nokuti ndakanga ndanetsana navo apo vakanga vandituma kuti ndiende kunotora girlfriend yavo nemotokari yavo iyi zvaisazivikanwa kumba,” anodaro.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti pave nekusawirirana sezvo Welldone akanga aramba kuteerera zvainge zvarehwa nababa vake.

Welldone anoti aimbotumwa nababa vake kushamwarikadzi iyi achienda.

“Ndaisimboenda kare, asi musi uyu ndakaramba zvikaita kuti tinetsane. Ndizvo zvakazoita kuti nditeme girazi remotokari yavo nedombo rikatsemuka. Mutsvakurudzo yandakazoita, ndakazozviziva kuti musikana wandaitumwa kunotora uyu aiva musikana wavo,” anodaro.

Anoti baba vake vakatotengera shamwarikadzi yavo iyi purazi kwaOdzi.

Achipawo divi rake, Innocent anokumbira dare kuti rimubatsire kuti mwana wake arege kutora zvinodhaka izvo anoti ndizvo zvinoita kuti asamuremekedze.

“Mambo wangu, ndave kutokumbirawo kuti dai dare randibatsirawo kuti mwana uyu asiye zvinodhaka nokuti ndizvo zviri kumuita kuti ave ndururani kudaro, andinetsa mwana iyeyu kwenguva refu.

“Misikanzwa yake yakanyanyisa uyezve matemero aakaita girazi remotokari yangu akaipa chose zvokuti dai ndaiva mukati ndingadai ndakakuvadzwa kana kutofiramo,” anodaro Innocent.

Zvisinei, haana kupa mhinduro kudare pane zvose zvainge zvarondedzerwa nemwanakomana wake maringe nekuti anomutuma kushamwarikadzi yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>