
Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi
MUDZIMAI wemuHarare anoti murume wake ane katsika “kekuita chimbuzi” pamberi pevana izvo zvisina chimiro chakanaka uye anomurwisa nekumutukirira zvinyadzi pajekerere.
Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Joyce Muzengeza akamhan’arira murume wake, Innocent Matyorapasi, achida gwaro redziviriro.
“Takambouyazve muno mudare muna2019 tikapihwa gwaro zvino ndiri kuona kuti maitiro ake haana kusanduka nekuti achiri kuzviita.
“Anonditukirira zvinonyadzisira pamberi pevana zvekutoti handisisina chimiro mumhuri nemuvavakidzani. Pamwe pacho ane tsika yekurasa mvura pamberi pevana vakatarisa,” anodaro Muzengeza.
Matyorapasi haana kupikisa zvakataurwa nemudzimai wake.
“Nyaya iri apa ndeyekuti mudzimai wangu ari kuda kutengesa sitendi yedu zvisina kuwirirana, ndipo patiri kupesana. Ndiri kuti andipe magwaro emba asi ari kuramba,” anodaro.
Mutongi Sharon Mashavira vakapa Muzengeza gwaro redziviriro.