Batsirai mwana ozvimba dumbu

22 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
Batsirai mwana ozvimba dumbu Parsley Sithole

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA ane makore 11 okuberekwa ari kuita Giredhi 4 paChikumbiro Primary School, kuMbizo, kuKwekwe ari kutsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kuenda kunyika yeIndia kunovhiiwa zvichitevera dambudziko rechirwere chemwoyo iro riri kukonzera kuzvimba kwedumbu rake.
Parsley Sithole, uyo anove akafairwa nababa uye amai vake vasingashande, anonzi pari zvino haachakwanisa kuenda kuchikoro nekuda kwedambudziko iri.

Mai Reginah Nyamadzawo (51) vepachikoro cheChikumbiro Primary School vakataurwa navo neKwayedza ndokuti hurwere hwemwana uyu hwasvika padanho rakaomarara.

“Tine mwana wepachikoro chedu aomerwa zvikuru nekurwara. Dumbu rake riri kuzvimba zvekuita seane pamuviri nekuda kwedambudziko remwoyo raainaro. Ava nenguva achirwara nemwoyo izvo zvakaita kuti amai vake vambomuendesa kuchipatara nekumachiremba akanzi anoda kuti anovhiiwa mwoyo kunyika yeIndia,” vanodaro Mai Nyamadzawo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Magwaro atiinawo anoratidza kuti kuti machiremba ekuIndia varape mwana uyu nekuvhiya mwoyo wake, vanoda mari inoita US$15 000 kusvika US$20 000. Kunozodiwawo mari yekuti mwana uyu akwanise kukwira ndege kuenda nekudzoka neyemunhu achamuperekedza kusanganisa nemari yepekunogara nekudya.

“Chikumbiro chatiinacho takabatana nevabereki vake kuti mwana uyu abatsirwe.”

Imwe nyaya yavakataura inoda kukurumidza kugadziriswa kuti mwana uyu awane magwaro ekufambisa akaita sepasipoti yake pamwe chete neyaamai vachamuperekedza.

“Tichitaura kudai, mwana uyu akatomira chikoro nekuda kwekuzvimba kwedumbu sezvo asisakwanise kugara zvakanaka kana kurara. Kufamba chaiko haachagona uye kudyawo kwave kumunetsa.

“Dumbu iri riri kuramba richikura, mwana uyu ishasha mumabhuku saka tinoda kuti afambire mberi nechikoro,” vanodaro Mai Nyamadzawo.
Mai Abigail Sibanda (40) vanove amai vaParsley vanoti: “Baba vemwana uyu vakashaika mutsaona yemotokari mugore ra2015 ndikasara ndava shirikadzi kudai. Zvino mwana abva arwara, handisisina zano, dumbu rake riri kuzvimba, anoda kuenda kunorapwa kuIndia kunodiwa US$20 000. Mari yekukwira ndege nezvimwe kusanganisira chikafu nepekunogara uye mapasipoti hatina. Ini handishande, ndinoda kubatsirwa, mwana haachaenda kuchikoro.”

Vanoda kubatsira mwana uyu vanoridza nhare dzinoti 0778 205 559 dzinova dzaamai vake nedzimwe dzinoti 0773 366 725, 0774 606 995 kana dzechikoro dzinoti 05422250123.

Mai Sibanda vanoti mwana wavo ave kuda wiricheya zvakare sezvo asisakwanise kufamba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>