Bembera haridudze zita remunhu

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

NDAKAPARURA chikuva chino nekupa dudziro yezvinoreva bembera. Mune kumwe kutaura, bembera inzira yekusvitsa nayo tsiudzo kumunyarikani.

Nedzimwe dzenguva munyarikani uyu anoramba kunyarwa, saka vanhu vanotsvaga nzira yekumuudza nayo.

Svondo rapfuura takakurukura netsiudzo ichibva kumazita atinotumidzana munharaunda yatigere, kana paguru chaipo patinowana mainini namaiguru vachikurukurirana pamazita avanotumidza vana vavo.

Svondo rino tinobata nziyo dzatinorukirwa nevaimbi.

Kazhinji vaimbi vanongotorawo nziyo dzavo munharaunda dzavagere. Chinangwa ndechekupana dzidziso kana kupembedza zvakanaka zvinoitwa.

Vazhinji vanofunga kuti nziyo idzi ndedzekungofadza vanhu vodzana chete.

Nziyo idzi dzinorukwa nekupihwa hunhu hwekuti dzitambirike, zvichida munhu akanangwa nerwiyo achabengenuka oona mhosho dzake.

Vatungamiri vazhinji mumhuri, mukambani kana munyika vanofunga kuti ndivo chete vanofanira kutsiura vavanotungamira. Ichokwadi zviri nyore kutsiura munhu mudiki kwauri, asi kutsiura mukuru makata chaiwo.

Nokudaro, kukwira gomo hupoterera.
Nziyo dzinopa mukana wekutsiura munhu wose, akundikana pahunhu hwake nhasi kana angave nepfungwa yakaipa mangwana.

Nekudaro, bembera renziyo rakafanana nekurapa munhu nekumupa mushonga unotapira. Zvinoita kuti munhu arapike asingatye mushonga unoshata mukanwa.

Ngatitore nziyo dzepajakwara semuenzaniso.

Vanhu vemunharaunda vanoimba nziyo dzejee asi dzinenge dzine zvirevo kumunhu anetsa munharaunda mavo.

Zvichida munhu akanangwa nerwiyo anoita zvemishonga inokuvadza, kuba mombe dzevamwe kana kutora madzimai evamwe.

Jakwara rinotorwa senguva yakafanira kupa yambiro kune munhu anoita zvinhu zvisingatambirwe munharaunda.

Saka vanhu vanoimba vachimuudza kuti tiri kukuona zvedu zvauri kuita asi hokoyo, nerimwe zuva gava richadambura musungo.

Nziyo zhinji dzevaimbi vemuZimbabwe dzinotora mutowo mumwe chetewo kanapo dzichinakidza vanhu vachitamba zvavo.

Bembera haridudze zita remunhu, asi rinoremekedza nyakutsiurwa paine chivimbo chikuru chekuti achabata zvinotsutsumwirwa neruzhinji.

CHENJEDZO:

Iwe neni ngatitore mukana watinopihwa nebembera kugadzirisa hunhu hwedu tisati tazvipinza mungozi nehunhu hwedu husakarurama.

Tabva pabembera, mberi kwacho hakuna hurukuro.

Vaimbi vanotora nziyo kubva munharaunda saka iwe neni tiri munharaunda yemuimbi uyu. Bembera renziyo rinogona kunyaradza, kusimbisa, kana kutsiura, kana zvaro richiita serinotuka.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Nhare: 0772 428 809; Email: [email protected] <mailto:
[email protected]>

Share This:

Sponsored Links