Bembera Padare: Iva mubereki anoyemurika

03 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Bembera Padare: Iva mubereki anoyemurika

Kwayedza

Wedzerai Nhemachena

KANA vanhu vari parwendo, asi vasingasvike, vanokahadzika kuti kwavari kuenda chaiko ndekupi nokuti vanenge vachiona vachitenderera kana kutsokodzera panzvimbo imwechete.

Matare anorongwa nekurongonorwa, nyanzvi dzezivo dzinotsvagwa kuti dziite ongororo, vanhu vanofamba kumaporofita nekun’anga kuti vaone kuti chanetsa mumusha chii, asi hapana chinobatika chaicho chinobuda.

Zvino zvatiri kukura, paticharegera mabasa tichaudza vana vedu nevazukuru kuti takaiteiwo munguva yedu icho chakasimudzira musha wedu, kambani kana dunhu redu? Hapana munhu anoda kupedzerwa nguva nevanhu vasingazive zvavanoda kuita, vachirasisa munhu wese mumusha kana mukambani.

Musha unobudirira here nekungonzi ndini baba, ndini mukuru wemusha uno, itai izvo, regera izvo? Handiyo ngozi huru here yekusateera vamwe mumusha, mukambani kana mudunhu?

Vakuru vazhinji mumisha havachakoshesa pundutso yemhuri, asi yavo chete. Zvino unotsvagei pachigaro chababa kana amai mumusha, mukambani kana mudunhu iwe uchibira nekuvhara mhuri yako? Kana wakadaro uri baba kana amai pasina.

Uri rima, uye ndangaririo dzako nehunhu hwako ndezvekupinza mhuri yako, musha wako, kambani yako murima iri.

Vana vanotarisira kupihwa gwara newe. Mubereki anofanirwa kupa vadiki vake gwara. Nekuti panotsika remberi ndipo panotsika reshure.

CHENJEDZO:

Zvakanaka kuti munhu wese azive kuri kuendwa kuti agadzirirewo rwendo urwu zvakakwana. Ngatisambunyidza vana kana vadiki vedu kuvaendesa kurwendo rwavasingazive. Musatirasise veduwe mudzimba, mumakambani.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] :[email protected]>

Share This:

Sponsored Links