‘Bere iri ndere munhu’

14 Aug, 2022 - 09:08 0 Views
‘Bere iri ndere munhu’ Bere

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vatatu vemumhuri imwe chete yekwaSadunhu Dzoro kwaMambo Bota kuZaka, vakarumwa nebere uye izvi zvinonzi zvinotevera bopoto rakaitika pakati pavo nemumwe mudzimai wemunzvimbo iyi apo vainetsana pamusoro pebindu raari kuti nderake.

Vakarumwa nebere ava, avo vanogara kwaSabhuku Mapfumo, ndiVaRobert Maroyi (40) nemudzimai wavo Mai Muchanyara Munodya (43) naVaRwativenga Maroyi (91) vanove baba vaVaRobert Maroyi.

Vatatu ava vakarumwa nebere nemusi wa18 Chikunguru vari pamba pavo apo rakauya pakati pehusiku.
VaRobert Maroyi vanonzi ndivo vakatanga kubuda panze vanzwa mbudzi kuchema vachibva vasvikorumwa nebere iri ndokutanga kuchema zvikazoita kuti vadzimai vavo vatevere vachibva varumwawo.

Vaviri ava vachiridza mhere, VaRwativenga Maroyi vakazomhanyawo ndokutora danda vachibva vasvikorova bere iro raiva rakagara matunduru muroora wavo richimudya mawoko ose.
Rakazovasvetukira ndokuvaruma padumbu neruoko rwerudyi.

Muchanyara Munodya

Vatatu ava vakazoendeswa kuchipatara cheMusiso Hospital kuZaka ikoko, uko VaRwativenga Maroyi vakasvikorapwa vakadzoserwa kumba asi VaRobert Maroyi nemudzimai wavo vachibva vadarikidzwa kuchipatara cheMasvingo uko vari kurapwa.

Vagari venzvimbo iyi vanoti kurumwa kwemhuri iyi nebere kune chekuita nemabasa ehuroyi.
Zvinonzi pane mudzimai akapopotedzana naMai Munodya nemurume wavo nekuda kwebindu ravo achiti raiva rake nemuroora wake.

Mudzimai uyu anonzi akasiya ataura kuti aida kuona kuti VaRobert Maroyi nemudzimai wavo vaizokwanisa kuramba vachirima bindu ravairwira iri here nekuzogonawo kupedzisa imba yavo yebhedhuru yavari kuvaka.
Sabhuku Mapfumo, VaUrayayi Mapfumo (60), vanoti zvakavashamisa kuti mudzimai uyu akaenda achinopopotera bindu achiti nderake vanhu vakazosara vachirumwa nebere.

“Mhuri yakarumwa nebere iyi vane mudzimai wavari kunetsana naye nekuda kwegadheni ravo achiti nderake. Nyaya iyi yakatombouya mudare rangu ikatadza kugadzirika. Mashoko akataurwa naamai ava ekuti ndinoda kuonda kuti vacharamba vachirima here bindu iri nekuzopedzisa kuvaka imba yavo, zviri kubuda pachena kuti bere iri ndere huroyi,” vanodaro Sabhuku Mapfumo.

Sabhuku Mapfumo

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyaya iyi tangomirira kuti vari kurwara ava vabude muchipatara tiyananise mativi maviri aya nekuda kwekurwisana pamusoro pebindu iri.

“Ini sasabhuku, ndinoziva kuti bindu nderekwaMaroyi. Izvozvi ndava kunzi sabhuku wemapere kwandinonwa doro. Zvakaitika izvi zvinoshamisa, hatina kumbobvira takazviona kuti bere rinoruma munhu richibva radya ipapo nekuti raimedza nyama ipapo.”

VaJoe Machinjika (58) vanove mukoma waVaRobert Maroyi vanoti vakamhanyawo vachida kunonunura munin’ina nemuramu wavo vakawana bere iri richidya Mai Munodya mawoko ose rakaita vekugarira.

“Nyaya yakaitika pano inoshamisa, hongu mapere ariko asi zvakaitika pano mashura. Mibvunzo irimo muvanhu vazhinji yekuti tine kurwisana nevamwe amai vemuno nekuda kwebindu ravanoti nderavo. Vakanotukana nemunin’ina wangu naamainini vachiti vanoda kuona kuti vacharima bindu iri kusvika rinhi uye nekuti vanoda kuona kuti vachakwanisa kupedzisa kuvaka imba yavo here.

Robert Maroyi

“Saka tinoti ibere here kana kuti rakabva kumunhu?” vanodaro VaMachinjika.
VaRwativenga Maroyi vanoti zvakaitika kwavari nemhuri yavo manenji.
“Tinoda kubatsirwa nekuti muroora wangu nemurume wake havachakwanisa kuzvishandira. Muroora haachina mawoko, vaizivikanwa nekurima pano mhuri iyi,” vanodaro VaRwativenga Maroyi.

VaMorris Makavi (54), vanove mukoma kuna VaRobert Maroyi, vanoti mudzimai ari kurwisana nemhuri iyi achiti bindu iri nderake ari kuramba achienderera mberi.
“Nhasi chaiye ndichibva kuchikoro kwandinochengeta, ndasangana navo amai ava vakanditi vanotoda kuti mhuri iyi irege kurima bindu iri. Vandibvunza kuti sei vanhu vari kutaura kuti ivo nemuroora wavo ndivo varidzi vebere. Tava kugara tichitya nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro VaMakavi.

Mai Handina Muyambo (42) vanove mudzimai waVaJoe Machinjika vanoti vava kugara vachitya nekuda kwenyaya iyi.

Sadunhu Dzoro, VaJefta Ringirayi (76), vanoti vakashamiswa nechiitiko chekurumwa kwemhuri iyi nebere.
“Munyaya iyi paita kutaudzana nekuda kwebindu, mumwewo mudzimai achivhundutsira vazorumwa ava. Zvino tinotaura kuti kudii panyaya yakadai? Nyaya iyi yava kuda nyanzvi dzeZinatha vatibatsire nekuti zviri pachena kuti paita huroyi,” vanodaro Sadunhu Dzoro.

Sadunhu Dzoro

Vakavimbisa kuti nyaya iyi ichapinda mudare ravo kana vari kurwara vapora.
Mai Nyaradzo Mukora (35), avo vairima bindu pamwe chete nevakarumwa nebere, vanoti vava kutorega kurima bindu rine mutauro iri.

“Ndakarima bhinzi dzava kuda kuibva saka ndikakohwa ndava kusiyana nebindu iri,” vanodaro Mai Mukora.
VaRobert Maroyi nemudzimai wavo vari kukumbira rubatsiro kune veruzhinji kuti vakwanise kuraramisa mhuri yavo.

“Tiri kurapwa muno navadzimai, asi chikumbiro chedu kunyika kuti tibatsirwe nezvekuita sezvo tairarama nekurima zvino hapasisina, mudzimai haasisina mawoko iniwo ndakuvara zvekare tine vana vachiri vadiki,” vanodaro VaMaroyi.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Munodya vachiti kudai vachererwa chibhorani pamba pavo kuitira kuti vakwanise kurima zviri nyore.

“Tiri kurapwa zvakanaka asi chikumbiro kuda kubatsirwa. Mawoko handisisina, ndine mwana mucheche anoda kuyamwiswa.

“Kudai ndawaniswa mawoko ekuisira nezvimwe zvekuti tibatsirike,” vanodaro Mai Munodya.
Kanzura Toruvanda Togarepi vekuWard 32 kuZaka East vanoti nyaya yemapere yavashaisa rugare mudunhu ravo.
VaTinashe Farawo mutauriri webazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) vanoti vane hurombo nechiitiko ichi ndokuvimbisa kuti nyanzvi dzavo dzekubata mhuka dzichaenda kuZaka kunoongorora pamwe nekutsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko remapere ari kurura aya.

Share This:

Sponsored Links