Boka yauya nezvitsva

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Boka yauya nezvitsva Chido Nyakudya

Kwayedza

Kingstone Mapupu
BOKA Tobacco Auction Floors (BTF) inova kambani huru inotengesa fodya pasi rose yosimbaradza kurimwa kwefodya uye yakatanga chirongwa chekutsigira kurima kwechirimwa chitsva chinodaidzwa kuti Chia kana kuti Runinga.

Nedonzvo rekuti varimi varambe vachivandudza mabasa avo, kambani iyi inoti yavavarura kurimwa kweRuninga nevarimi vainodyidzana navo vose vanorima fodya.

Mai Chido Nyakudya vanova director of marketing and business development mukambani iyi vanoti kunze kwekubatsira varimi kurima fodya, vakavambawo chirongwa chekurimwa kweRuninga icho chiri kutungamirirwa naMai Rudo Boka-Mutambanengwe avo vanova chamangwiza weBoka Tobacco Auction Floors.

“SeBoka, tinonyanya kuzivikanwa nekubatsira varimi kurima fodya tichipa varimi ruzivo mune zvakasiyana, zvino tava nechikamu chiri kutungamirirwa naMai Rudo Boka-Mutambanengwe chekubatsira varimi vedu vefodya kurima Chia kana kuti Runinga izvo tiri kuita munyika yose,” vanodaro Mai Nyakudya.

Vanoti Runinga runorimwa munguva yechando uyewo runopa kudya kukuru muvhu iro rinozodyarwa fodya ichangokohwewa.

“Saka varimi vedu vose vakapinda muchirongwa ichi avo vave kurima chirimwa ichi munguva yemuchirimo icho chinotora mwedzi miviri kuibva. Vachingokohwa vanobva vatotanga kurima fodya zvinoreva kuti munda mumwe chete wakavirika kupa mari kuvarimi,” vanodaro.

Runinga chirimwa chinodiwa zvikuru pakubikwa kwechingwa nemabhanzi nezvimwewo.

“Varimisi vedu vanoenda kumativi mana vachinoona varimi vedu vefodya vakarakidza kuti chirimwa chitsva ichi icho tiri kubatanidza nefodya chiri kufarirwa zvikuru. Nekudaro varimi vefodya vanodyidzana neBTF vari kuwaniswawo mbeu yechirimwa chitsva ichi apo vari kunzi pavanopedza kukohwa fodya yavo vanobva vatotanga kudyara runinga.

“Tine varimi vedu vatinobatsira kurima fodya muchirongwa cheBoka Tobacco Input Scheme vanokwana 2 000 avo vatakabatanidzawo mukurima Runinga, kureva kuti murimi acharamba achiwana mari gore rose.

“Varimi ava vanounza zvirimwa izvi zveRuninga kwatiri seBoka totenga isu,” vanodaro Mai Nyakudya.

Vanoti vane hurongwa hwekupa madzimambo, madzishe nemasabhuku mbeu yeRuninga kuti varimi vazive kukosha kwechirimwa ichi chinodyidzana nefodya. Runinga chirimwa chinorimwa zvikuru kune dzimwe nyika dzakabudirira pasi rino chichipa mari zhinji.

Zvakadai, vanoti gadziriro yavo yemwaka wekutengeswa kwefodya yave padanho repamusoro zvikuru.

“SeBoka tava nemichina mitsva yatingati new software kambani yose mubasa rekutengeswa kwefodya zvinoreva kuti varimi havachambotora nguva refu mukutengesa fodya yavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>