Boka yorerutsira varimi vefodya

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Boka yorerutsira varimi vefodya

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
KAMBANI huru inotengesa fodya munyika muno yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) inoti varimi havana dambudziko rekupihwa mari yavo kana vatengesa zvirimwa zvavo kwairi sezvo vari kushanda nevemabhanga akasiyana panyaya yekuti vawaniswe mari yavo nenguva.

Mai Chido Nyakudya avo vakafanobata chigaro chemukuru wekambani iyi vanoti vakagadzirira zvose kuitira kuti varimi vasanetseke kuwana mari yavo mushure mekutengesa fodya.

“Varimi — vangava vakuru kana vadiki — tinoti ngavauye kuBoka vazotengesa fodya yavo. Hatina dambudziko panyaya yekuti vapihwe mari yavo nekuti mabhanga ose ari munyika muno ari pano paBoka. Chatinoda chete kuti varimi vagare zvinhu zvavo zvakarongeka vakanyoresa neTIMB nekuita zvose zvinodiwa, fodya yavo ikangotengwa zvapera,” vanodaro.

Vanoti semutemo uripo, panotengesa murimi kekutanga chirimwa chake anopihwa mari inokwana $1 000, yozodzika kusvika pa$500 pose paanozodzoka achitengesa zvakare.

Mai Nyakudya vanoti vane makambani avari kudyidzana navo ayo anotengesera varimi zvekushandisa nemitengo yakadererera.

“Kune varimi vanotengesa fodya kwatiri, kunyangwe rikava bhero rimwe chete, vakaenda kunotenga fetereza kukambani yeWindmill vanodzikisirwa mitengo nechikamu chinoita zvikamu zvishanu kubva muzana. Uyewo tine kambani yeMoneyMaker iri kudzikisirawo varimi mitengo kana vachitenga mapombi madiki ekudiridzisa zvirimwa,” vanodaro.

Vanoti kuWindmill kunowanikwa mhando dzose dzefetereza, zvimwe chetewo nekuMoneyMaker uko kune mhando dzemapombi dzemadiridziro dzakasiyana.

“Vemarori vanounza fodya kuno kuBoka tinovapa mafuta ekufambisa motokari dzavo pachena zvisinei kuti vanenge vabhadharwa nevarimi pakutakura fodya yavo, sekuvatenda. Saka tinoti vemarori musapedzerwe nguva, huyai nevarimi kuBoka muwane mafuta ekuisa mudzimotokari dzenyu mosiyana nekunomira mumagaraji anotengesa mafuta,” vanodaro Mai Nyakudya.

Vanoti kunze kwazvo, pamusika weBoka pane vemakambani akasiyana avanodyidzana nawo zvinoita nyore kuti murimi akange apihwa mari yake anobva akwanisa kutenga zvose zvaanoda odzokera kumunda kwake kana kumusha.

“Zviripo zvose paBoka kubvira kumishonga yekurimisa, mbeu, motokari, midhudhudhu, michina yose yekurimisa, mbeu yefodya, kudya kwezvipfuyo nezvimwewo zvakasiyana,” vanodaro.

Zvakadai, vanoyambira varimi kuti vangwarire makororo kana vachinge vapihwa mari yavo.

“Inyaya huru kuchengetedza mari yedu tichiziva kuti mumwe mwaka uri kutevera tinoda zvakare kudzokera muminda ingava yefodya kana yezvimwe zvirimwa sezvo mari zhinji ichibva mufodya. Vanababa vedu ngatisiyanei nanaMarwei tofunga mhuri dzedu kumusha, vana nemadzimai. Marokwe haapere pasi rino, munopera ndimi saka musamhanyise-mhanyise maziso nekuti vakauya vose kuzokudyai. Fungai vana nemadzimai vamakarima navo, vamakasiya kumusha,” vanodaro Mai Nyakudya.

Share This:

Sponsored Links