‘Chako chimbuzi bedzi pamba pano’

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MURUME wekudhonzerwa kudare nemudzimai anoti haana kumuroora asi kuti vari kungochaya mapoto achinzi ari kumushungurudza, akachema-chema kuti asadzingwe pamba sezvo asina kumwe kwekunogara.

Tom Tapera akademba mudare reHarare Civil Court achida kuti aimbove mudzimai wake, Lorraine Fadzai, asapihwe mvumo yekumudzinga pamba.

Fadzai akaudza dare kuti ari kuoneswa pfumvu naTapera.

“Mambo wangu, uyu aimbova murume wangu asi takarambana munaChivabvu nenyaya yekuti aigara achindirova nekundituka. Zvakare, anoparadza midziyo yemumba izvo zvakaita kuti azosungwa akanzi abhadhare zvinhu izvi,” anodaro Fadzai.

Anoenderera mberi achiti, “Anondirovera kuti ndakamuti abve pamba pangu sezvo ndirini ndakatenga sitendi iyi, iye akavakisa chimbuzi chete. Haana mvumo yekundirova nekuti ndiri kuchaya mapoto, haana kundiroora.

‘‘Izvozvi tiri kugara tose asi anouya kumba husiku akadhakwa achiimba zvine ruzha, ndinotadza kutorara zvakanaka.”

Achipawo divi rake, Tapera anopikisana nekuti Fadzai apihwe gwaro redziviriro.

“Uyu aiva mukadzi wangu uye ndiye akandiramba munaChivabvu. Anoda kundidzinga isu takatenga sitendi iyi tose uye ndakavaka chimbuzi ipapo.

“Ehe, ndakasungwa nenyaya yekuparadza midziyo uye ndichiri kubhadhara midziyo yacho. Asi kubva ipapo handisati ndamboita mhirizhonga kwaari. Ndanga ndichikumbirawo kuti dare rindinzwire tsitsi risandidzinga pamba apa nekuti handina kana kumwe kwekuenda,” anodaro Tapera.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Fadzai gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>