Chechi yadhakwa sei?

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MURUME wekuEpworth anonzi SingLawyer Mushunje anoti mufundisi, isvikiro, in’anga uye muporofita mukuru kuChiedza Apostolic Church yeko. Anonwa doro rekachasu ne7 days, anoputa mbanje nebute! Achitaura neKwayedza, akati, “Zvakawanda sekuwanda kwemweya iri pandiri.”

Kana mweya ikawanda pamunhu zvekutoda kudhonzwa nengoro, zvinoreva kuti yave mitoro inorema! Kana uine barika remweya saSingLawyer, mweya waJesu Kristu haugare pakadaro, “nekuti Mwari haazi Mwari ‘wemanyongori,’ asi werugare.”

Mwari havana kusika munhu kuti adye ndove, asi kuti arase ndove kure kune nhunzi nezvinyamututa. SingLawyer haasi wechechi nekuti chechi inoreva pamwe chete nekumiririra vanhu vese vakaponeswa kana kuti vakadzikinurwa, vese vakapihwa kuna Jesu Kristu naMwari. Chechi haisi mvengechere yemweya yese yese. Mweya yenjuzu mweya yerima nehuroyi.

Chechi hainei nemweya yevafi, uye haibike doro, kana kutya kuroyiwa. Chechi inopota ichiungana kuti vatendi vadye chingwa chinomiririra muviri waKristu nekunwa waini, inomiririra ropa rake nekuti ndiyo sungano itsva yakaitwa naJesu, kwete sungano yemweya inopinda mumunhu nekuti tete vafa, mweya wanga uchigara mavari ukaona kuti pane munhu anoda zvemweya mizhinji.

MaKristu munzvimbo dzakasiyana-siyana anonamata Jehovha Mwari, musiki wedenga nepasi ndiyo chechi. Saka vanhu vese vanobvuma kuti maKristu akatengwa neropa raJesu, uye vakazvarwa patsva, ndivo chechi. Chechi inoonekwa nezvinoitwa nevanhu vari mairi kuti ichechi. Asi hatirambe kuti muchechi mune zviyo nemasawi, mbudzi nehwayi.

Ngatizive kuti kana hwindi achishevedzera vanhu vekutakura kupinda mutawuni, haasi kuda vanhu vari kuda kuenda kuruzevha vachinoburukira paMutsamvi. Kwaari kuenda ndiko kwaanenge achishevedzera. Inguva zhinji dzatinoshevedzwa nezvinotishevedza, kana nevanotishevedza. Kune vanotishevedzera kugerwa musoro nendebvu paye patinenge tichizvifambira zvedu.

Munhu iyeye akushevedzera kukugera musoro ari kuda kukuita zvimwe zvinhu, ari kuda kukusiya wachinja, wasiyana nezvawabva kumba uri. Hakuna mweya inopinda mumunhu kuti ingogara isingamuitise zvinhu zvakasiyana-siyana.

Vamwe vanoshevedzera kuti titenge hembe dzavo dzemubhero ravachangovhura. Vanenge vachida kuti tivhendenyure, kuzunza nekuyedza hembe dzavo. Kana vakomana vemagitare, ana Jah Prayzah vanotishevedza kuti tinovaona vachiimba nekutamba kuti “Eriza iwe dzokorora.”

Asi pakushevedzwa kwese kwatinoitwa, hazvisi zvese zvinotishevedza zvatinoteerera. Kana hwindi akanditi, “Tawuni here?” ini ndichienda patakishopu iri paseri pemba, handimudaire. Kana vekugera musoro nendebvu vakandishevedza ini ndichiziva kuti ndebvu dzangu dzikagerwa ndinenge ndafanana nebhuku rabviswa mamwe mapeji, handiende.

Kubvuma kudaira munhu ari kukushevedza kunoda watanga watarisa kuti ndiani ari kukushevedza, munhu akaita sei uye ari kukushevedzerei. Inguva zhinji dzandinoona vanhurume vachingoti chero musikana kana mukadzi adarika nepavari, “Eee, ko ndeipi?” Chinangwa chavo kutsvaga anovapindura kuti, “Ndiri bhoo, zviri sei newe?”

Kana vakangopindurwa chete, kazhinji vanobva vatozvitora sechinhu chinotaura kuti vari kudiwa, uye chanzi yekuramba vachitaurirana yamuka.

Handizive kuti vanhu vanoenda kuchechi yen’anga-muporofita-chidhakwa-svikiro-nyamukuta vanenge vachinamata Mwari upi. Tese zvedu Mwari vakatipa rusununguko rwekusarudza zvatinoda, uye kuti tiponeswe tinofanira kushandisa rusununguko rwekusarudza irworwo kuti titende mumwoyo yedu nekupupura nemiromo yedu.

Kana tiri vanhu vakagashira Jesu mumwoyo yedu, tinofanirwa kunzwisisa zvinhu zvakakosha pamusoro pezvatinotenda mazviri. Izvi zvekupinda chechi dzen’anga, svikiro, njuzu, nezvidhakwa zvakafanana nekuisa rize muhomwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>