Chibage choparadzwa nerukonye

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VAMWE varimi vechibage chemuchando vekunharaunda yaMambo Goronga kuMudzi, kuMashonaland East, vochema-chema nekuda kwerukonye urwo ruri kuparadza zvirimwa zvavo.

Mumwe wevakarima chibage ichi ndiMbuya Ndaatoya Mafunga (82) vemumusha waSabhuku Tangi avo vanoti gore roga-roga vanorima chibage chemuchirimo icho chinovapa mari yakawanda zvikuru mushure mekuchitengesa. Chibage chavo chave kutosvika padanho rekutumbuka asi chakatarisana nedambudziko rekuparadzwa nerukonye.

“Chibage chemuchando ichi ndicho chinondipa mari yakawanda sezvo vashoma vanochirima. Zvino chirimo chino ndakavhiringwa nerukonye rwakapedza kudya chibage ichi. Chibage ichi chinotengwa zvikuru sezvo ndichitengesera vadzidzisi vemuno nevamwe vanodarika nemotokari,” vanodaro.

Mbuya Mafunga vanoti havana ruzivo pamusoro pemhando yerukonye ruri kuparadza chibage chavo.

“Hatina mishonga yekuisa muchibage umu kuti tiuraye makonye aya nekudaro tinoguma taruza ndisu,” vanodaro.

Vanoti vakamboshanyira hama yavo iri kuMozambique muzhizha radarika uko vakasvikowanawo vaine dambudziko rimwe chete rekudyirwa zvirimwa nemakonye.

“Sekuru vangu vanogara pamhiri apo Kuchamano, kuMozambique havana chavakakohwa nekuda kwemakonye akadai aya, vari kutosunza izvozvi,” vanodaro Mbuya Mafunga.

Mbuya Mafunga vanoti vakashaikirwa nemurume wavo kare uye vanobatsirana kurima nehanzvadzi yavo yavanogara nayo, VaJumbo Smoke (75). Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevarimisi veArex kudunhu iri kuti inzwewo rutivi rwavo panyaya yerukonye ruri kuparadza chibage urwu.

Share This:

Sponsored Links