CHIMUKUYU PFEE MUBHURUGWA

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Danisa Masuku

MUNYAYA inoita kunge yemufirimu, murume wekuBulawayo akarikitwa nechaunga ndokuzosungwa mushure mekunge aba chimukuyu mune chimwe chitoro cheko icho ainge aviga muchipfeko chake chemukati.

Izvi zvakaitika nemusi weChishanu chadarika pachitoro cheOK chiri mumugwagwa waJason Moyo, pakati peguta reBulawayo.

Eugen Moyo aive neshamwari dzake mbiri vachitenga doro muchitoro ichi.
Apo vaive pakati pekutenga, Moyo akatora pakiti rechimukuyu ndokuripfekera muchipfeko chake chemukati.

Chaasina kuziva ndechekuti aionekwa paCCTV uye paakange oda muchitoro ichi, akabva asungwa nemurindi wemo.

“Ndakaudzwa nevakuru vangu pabasa vanenge vachiongorora zvose zvinenge zvichiitika kuti Moyo akange aba pakiti rechimukuyu. Takamusecha ndokuwana pakiti iri riri muchipfeko chake chemukati,” anodaro murindi uyu, uyo asina kudomwa zita rake mudare.

Anoti Moyo akaedza kutiza asi vanhu vakaona zvaiitika vakabatsira pakumubata, ndokumuzvambaradza.

“Vakamurova ndokubvarura nhumbi dzake dzaainge akapfeka, shati nechikabudura.

Takamuendesa kuBulawayo Central Police Station,” anodaro.

Moyo akamiswa mudare reBulawayo Magistrates’ Court pamberi pemutongi Jeckonia Ncube achitongerwa humbavha uye anobvuma mhosva yake.

“Vedare, ndinokumbirisa ruregerero rwekuba chimukuyu. Ndakazviita ndakadhakwa uye ndikadhakwa handainyatsofunga zvakanaka. Handaiziva zvandaiita.

“Ndiregerereiwo, uye ndinotsidza kuti handizvidzokorodze zvekare,” anodaro Moyo.
Mutongi Ncube anoyambira Moyo kuti asiyane nekatsika kekuba ndokubva amuregerera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>