Chinotanga kuitwa mp

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

HAZVIREVI kuti kana nhengo yeParamende yaitwa gurukota reHurumende naPresident Mugabe haichaenda kudare reParamende kunokurukura nyaya dzemuConstituency yake, nokunzwawo kuti dzimwe nhengo dziri kuzvifambisa sei. Makurukota neMP ngavave zvikomo zvinopfumbira nokupanana mhute.

Pave nenguva nhengo dzedare reParamende dzichitsutsumwa zvakanyanya kuti basa ravo harisi kunyatsofamba zvakanaka nokuti makurukota eHurumende avanenge vachida kubvunza mudare musi weChitatu pakunenge kuine nguva yokubvunza, vazhinji vavo havana hanya nokuenda, kana kutaura kuti pamusana pei vasiko.

Vamiriri veParamende vave nepfungwa yokuti makurukota eHurumende vanokanganwa kuti vasati vaitwa makurukota, vakatanga vasarudzwa navanhu kuti vavamiririre, saka havasungirwi kukanganisa nhengo dzinenge dzichida kuona kuti dzamiririra zvido zvavanhu vakavasarudza zvakanaka.

Kugunun’una kwemaMP kwakaitawo kuti vature zvichemo zvavo kumutauriri mukuru weParamende, Advocate Jacob Mudenda, zvichemo izvi zvikasvitswawo kumukuru wedare, vanove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, uyewo vari gurukota rinoona nezvimitemo, Cde Emmerson Mnangagwa.

Chinoshamisa Mukwende ndechokuti President Mugabe vaitombovewo nhengo yedare reParamende, uye vaienda kudare kunopindura mibvunzo yemaMP saPrime Minister.

Pese paigara dare, musi waive ne”Prime Minister’s Question Time”, Cde Mugabe vakange vasingashaikwe muParamende.

Kana vachinge vasimo, nhengo dzaiudzwa kuti havapo pamusana pezvikonzero zvakati zvikati, vosusukidza mibvunzo yavo mberi.

Mubvunzo ndewokuti, kunyange zvazvo makurukota eHurumende achinge ari kuita mamwe mabasa ari maringe nemapazi avo, ko chakaipa chii kungokumbira ruregerero kuti, “Chitatu chino handipo, nokuti ndiri kufambisa rimwe basa reHurumende?”

Vakadaro, zvinoita kuti mapazi ese akamisa kufamba kweHurumende anoti Executive, Judiciary neLegislature, aonekwe kuti ari kushanda achidyidzana zvakanaka.

Zvino, hatichaziva kuti kusaenda kudare reParamende chete here, kana kuti vamwe vavo havasi kutoendawo kumaconstituency avo, vachizomirira kuenda vave kuda kuvhoterwa zvakare. Vanhu vazhinji vanogunun’una nazvo izvozvi, zvokuda kuzivikanwa munhu ave kuteya mariva ake.

Kumhiri kwaZambezi, mutungamiri weZambia President Edgar Lungu svondo rapfuura sokutaura kwesangano renhau reLusaka Times, vakayambira makurukota eHurumende vasingaende kumaconstituency avo kuti hazvinetsi, vanovadzinga basa.

Vakati makurukota aya ngaagone kubata mabasa akasiyana panguva imwe chete, nokuti pavakada kuitwa maMP, vaiziva kuti vave kuda kuita varanda vavanhu.

President Lungu vakatiwo vane umbowo hwokuti mamwe makurukota eHurumende haasi kuenda kumaconstituency avo, kwavakasarudzwa kusvika vazove makurukota. Vakati vamwe vavo vave kutoti maconstituency avo ari kure, uye haana kubudirira, vakati basa remaMP harisi rokungogara muParamende vachidzika mitemo, asi kuti vanosungirwa kuona kuti matunhu avo abudirira. Uku kwaive kutsiurwa nemunhu achiri nhengo yedare reParamende, asi ari mutungamiri wenyika zvakare.

Hanzi ndakabva neko, kumhunga hakuna ipwa. Kana wada zvokuve MP, woziva kuti pamwe unogona kuzoitwa gurukota, asi hazvireve kuti uchakoshesa basa rimwe chete uchiti rave repamusoro.

Vakakuita gurukota vanongogona kukutorera nyembe dzacho, saka kuvanhu unozodzoka uchitii?

Kudare reParamende rawange wave kuzvidza unodzoka sei kana wangovewo nhengo yakafanana nedzimwe?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>