Dambudziko remvura rokanganisa varimi

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Dambudziko remvura rokanganisa varimi Kuoma kuri kuita nzizi kunzvimbo dzakadai sekuMasvingo kuri kukonzera kuti varimi vatarisane nedambudziko guru rekushaya mvura yekushandisa izvo zvave kuita kuti vamwe vapedzisire vave kushandisa mvura yemumufuku.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUPISA kwakanyanya kuri kuita kunze kwokonzera kuoma kwemamwe madhamu nenzizi izvo zviri kuita kuti varimi vatambudzike panyaya yekuwana mvura yemadiridziro, yekunwa yezvipfuyo neyekuitisa mamwe mabasa akasiyana.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe varimi vari kumativi mana enyika avo vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemvura iri.

“Tiri panguva yakaoma zvichitevera nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze ayo atatarisana nawo munyika muno. Madhamu edu haachina mvura zvachose zvekuti zvipfuyo nezvirimwa zvasvika pakuomerwa. Takamboedza kushandisa mvura yatakakohwa pasi pechirongwa chewater harvesting asi matengi akasvika pakuoma nekuti madiki uye haakwanisi kuchengeta mvura yemadiridziro kwenguva ndefu,” vanodaro VaJoseph Musambo avo vanorimira kwaMutare.

Vanoti vari kutochema kuti kudai Hurumende yabatsira  nechirongwa chekufirita makore kuitira kuti mvura inaye nekukasika zvirimwa zvavo zvakadai semiriwo, matomatisi uye miti yemichero zvisati zvaparara nezuva.

Mai Jesca Chivamba vekuZaka vanoti kupisa kwakanyanya kwezuva kwava kuita kuti miriwo pamwe nemitengo yechibage iwawanikwe ichikwira.

“Tine nzizi dzakawanda muno idzo dzataiziva kuti mvura haipwi nekukasika asi iko zvino dzaoma kuti gwa-a. Mombe tava kutodzidhaira mvura yepazvibhorani kureva kuti atova makwikwi emvura pazvibhorani vanhu nezvipfuyo. Vamwe ndivo vava kutosarudza kutengesa zvipfuyo zvavo nemari iri pasi nenhau yekuti havachina chekudzipa kana mafuro chaiwo hakuchina,” vanodaro.

VaKudzai Ndidzano vanova deputy director weClimate Change Management kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro vanoti nyaya dzekutemwa kwemiti zvisina tsarukano ndidzo dzimwe dziri kukonzera kusanduka kwemamiriro ekunze.

“Miti yakakosha zvikuru muupenyu nekuti ndiyo inochengetedza mweya watinofema kusanganisira unoshandiswa nezvimwe zvisikwa zvese. Kana miti ichinge yaparadzwa sezviri kuitwa munyika muno zuva nezuva, zvinoreva kuti nyika inopedzisira yava kusangana nekupisa kwakanyanya uye mwaka yekunaya kwemvura inosanduka zvekare. Miti yakakosha inotipa mimvuri nekubatsira pahwaro hwekunaya mvura (water cycle),” vanodaro.

Vanokurudzira vanhu kuti vadyare miti uye nekusiyana nekatsika kekutema miti vachitsvaga huni vachiti zvinounza matambudziko makuru mukufamba kweupenyu.

Mutungamiriri wesangano reFreeZim Congress VaJoseph Makamba Busha vanoti nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze dzinoderedza upfumi hwenyika.

“Zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu mumaguta apo vanotiza kumaruwa vachiedza kutsvaka chouviri mumaguta, nyaya dzekutemwa kwemiti uye kupiswa kwemasango dziri kuramba dzichiwanda zvinova zvinokanganisa kunaya kwemvura uye zvichiita kuti madhamu nenzizi zviome. Zimbabwe yakatarisana nekushaikwa kwemvura kukuru zviri kuita kuti zvipfuyo, mhuka nevanhu vagumisire vave kurasikirwa neupenyu,” vanodaro.

Vanoti kuti matambudziko aya asazoenderera mberi mumakore anotevera, zvakakosha kuti pave nenzira dzekuchengetedza mvura dzakadai sekuikohwa nekuchengetedza iyo iri munzvimbo dzinogara mhuka kuti dzisawanikwa dzichirasikirwa neupenyu.

“Nyika inofanira kuziva huwandu hwemvura yainoshandisa pagore uye zvivakwa zviri maringe nekuwaniswa kwemvura zvinofanira kutsigirwa zvichibva pamushandirapamwe wesangano reEnvironmental Management Agency uye bazi rezveminda nekurima,” vanodaro.

Vanokurudzira zvekare varimi kuti varime mbeu diki zvichitevera kusanduka kwemamiririro ekunze uko kuri kuuya nenzira yekupisa kwakanyanya sezvo zvichikwanisa kutirira zuva.

“Zvirimwa zvidiki zvakadai semapfunde, mhunga, rukweza hazvikurumidzi zvaparadzwa nezuva kana tichienzanisa nechibage. Varimi vanokurudzirwa zvekare kuomesa miriwo yavo vachiita mifushwa kuitira kuti vazowana zvekudya panguva inotevera,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links