Dhiri’ remaUS$ nen’anga

12 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Dhiri’ remaUS$ nen’anga

Kwayedza

Abel Zhakata

MUKOMANA ari kuita Fomu 4 pachimwe chikoro chakazvimirira kwaMutare anonzi akabira baba vake US$1 700, ndokuitumira kune imwe n’anga yekunyika yeGhana yainge yamuvimbisa kuti inogona kumupa masimba ekuporesa vanhu zvirwere zvakasiyana pamwe nekuti apfume.

Anonzi akawana nen’anga iyi padandemutande reWhatsApp group rine musoro unonzi “World Soccer Update”.

N’anga iyi — iyo yakangozivikanwa nekunzi Malamu — inonzi yakati mari iyi yaive yekutenga mbudzi nehwai izvo zvaizoshandiswa kuitiswa mhiko dzekuti azove nemasimba ekuporesa vanhu.

Malamu anonzi akaudza mukomana uyu kuti mari iyi yaizowanda zvekusvika US$30 000.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa havana kukwanisa kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi vachiti yakange isina kumhan’arwa.

“Nyaya iyi haina kumhan’arwa nekudaro handikwanise kutaura pamusoro payo,” vanodaro.

Asi muhurukuro neKwayedza, baba vemukomana uyu vanoti vakashamiswa zvikuru apo mwana wavo akataura nyaya iyi kumapurisa.

“Ichi chitsotsi chiri kuitwa nevari kubira vanhu vakawanda padandemutande. Mwanakomana wangu aitya kutaura chokwadi kwandiri asi akazofumura gure rose kumapurisa.

“Chete iye zvino ave kuziva kuti vanhu ava imbavha, vari kutsotsa vanhu nekuvabira mushure mekuvanyepera paInternet. Vabereki nevamwe vanofanirwa kungwarira vogara vachiona kuti vana vavo vanenge vachiitei kana vachishandisa dandemutande.

Vamwe vanoziva nezvenyaya iyi vanoti mukomana uyu akasungwa nematikitivha mushure mekunge baba vake vamhan’ara nyaya  iyi.

Mukomana uyu akaba mari kakawanda achiitumira kun’anga iyi kuburikidza nevanotumira mari nedandemutande (money transfer agent).

Baba vake vakazoona kuti vaibirwa mari ndokubva vamhan’ara kumapurisa. Matikitivha akaenda kumba kwavo kunoferefeta nyaya iyi ndokubva vatora mukomana uyu kuti vanomubvunzurudza.

“Pakubvunzurudzwa kwaaiitwa, mukomana uyu akabvuma kuti ndiye aiba mari yababa vake. Akatsanangura mazivirano aakaita nen’anga iyi padandemutande ndokuzopedzisira ave kuitumira mari,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

“Imwe yemari iyi inonzi yaifanirwa kutenga mbudzi, hwai nemimwe mishonga yekupfapfaidza. Mukomana uyu anonzi akange atumira mari yakawanda uye asarirwa neUS$400 pamari yainzi yaidiwa kuti paitwe mhiko idzi.”

Share This:

Sponsored Links