Donje rorimwa rakawanda

29 Dec, 2022 - 09:12 0 Views
Donje rorimwa rakawanda

Kwayedza

Precious Manomano

VARIMI vadiki vedonje vakawaniswa mbeu inokwanirana pamwe nemafetireza acho neHurumende pasi pechirongwa chePfumvudza Cotton Crop.

Mbeu yakapihwa kuvarimi inokwana 4 740 205 kgs, fetireza inosvika 19 381 555 kgs nelime 1 109 500 kgs.

Kudyarwa kwembeu yedonje kuri kufambira mberi munyika yose apo varimi 310 254 vakatodyara chirimwa ichi muminda yakakura mahekita 248 178.

Chinangwa ndechekudyara minda yakakura mahekita 285 000 pasi pechirongwa ichi uye kuchitarisirwa kuzokohwewa matani edonje 285 000 kubva kuvarimi vadiki vanosvika 520 000.

Varimi, vakabatana neHurumende, vanoti vakazvipira kusimudzira goho redonje mwaka uno izvowo zvinobatsira mubudiriro yeupfumi hwenyika.

Mashoko akabva kubazi rezveminda, kurima nekupfuiwa kwehove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa anoti dunhu reMidlands rine varimi vedonje vakawanda kudarika mamwe matunhu vanove 92 984 avo vakadyara minda yakakura mahekita 71 100.

Midlands inoteverwa neMashonaland West ine varimi 64 746 vakadyara mahekita 36 310 uyewo Mashonaland Central ine varimi 58 048 vakadyara mahekita 47 183.

Svondo rapera, sangano reCotton Producers and Marketers Association, richimirirwa nasachigaro waro VaSteward Mubonderi, rakatsinhira kuti kune kuwedzera kwevarimi vatsva vakapinda mukurima donje.

Varimi vatsva ava vanonzi vari kukwezvwa nemabhadharirwo ari kuitwa chirimwa ichi kubva mumwaka wadarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>