Famba Zion neSeed Co

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Famba Zion neSeed Co Varimisi veSeed Co Amai Wendy Madzura pamwechete naVa Bright Musakanda vachiyemura Gorosi repaMbungo Estate.

Kwayedza

Wendy Madzura
VANHU vakanga vari mavhu nemarara paMbungo Estates Farm, kuMasvingo apo vaipembera kugona kurima gorosi kwakaitwa nevarimi vepaMbungo Farm kwaBishop Nehemiah Mutendi.

Gorosi rakarimwa pamunda uyu rakave chapupu chokuti mbeu inouchikwa neSeed Co inokwanisa kurimwa kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika yeZimbabwe. Seed Co inouchika mbeu yegorosi inonzi SC Nduna iyo ine chipo chekupa varimi goho rinosvika matani mapfumbamwe kana gumi pahekita imwechete (9-10t/ha).

Seed Co inouchika zvakare mhando yembeu itsva yegorosi inonzi SC Select. Iyi mbeu inopa goho repamusoro nokuda kwekuti ine hunhu hwekupfupika (short stature) pamakuriro ayo izvo zvinoita kuti varimi vakwanise kuisa madzinde akawanda pandima kuti vakwidze goho ravo (135 – 140 kg/ha seed rate).

Chimwe chakanakira SC Select, inyaya yehushingi kuzvirwere zvinosanganisira chekuita ngura pamashizha (rust).

Varimi vakakunda kuuya kumutambo uyu vakaratidza kukatyamara zvikuru nekukura kwaive kwakaita misoro yegorosi repaMbungo Estates Farm.

Mutambo uyu wakaburitsa kukosha kwekurima nenguva nokuti varimi vakaona kuti gorosi repaMbungo Estates rakanga ratoibva nokuoma.

Izvi zvakakosha zvikuru nokuti mbeu yegorosi haidi kunaiwa nemvura nokudaro inoda kudyara nenguva yakafanira. Varimi vaiva pamutambo wefield day uyu vakadzidziswa kuti zvakakosha kudyara gorosi munaKubvumbi kusvika Chivabvu kuitira kuti rikure zvakanaka panguva yechando kusvika pakuibva uye vanobva vakohwa mvura isati yanaya.

Kana mbeu yegorosi ikanaiwa nemvura, zvinoita kuti idzikire pahunaku hwayo hwunodiwa nevanobika chingwa nokudaro inobva yatengwa nemutengo wakaderera.

Pafield day apa mukokwa mukuru aiva Resident Minister veMasvingo VaEzra Chadzamira.

Mumashoko avo, VaChadzamira vakakurudzira varimi kuti vagadzirire kurima kwemwaka wezhizha nguva ichiripo kuitira kuti varime zvine pundutso.

Vanoti vanokurudzira varimi vemudunhu reMasvingo kuti vasarudze mbeu nehungwaru pamwechete nekurima mbesa dzetsanga diki (small grains) dzinosanganisira zviyo nemapfunde.

VaChadzamira vanoti Hurumende iri kukurudzira varimi vese kuti vadyare ndima pamunda yembeu dzetsanga diki seimwe yenzira dzokuedza kurwisa kushanduka kuri kuita mwaka pamwechete nokuunza maguta munyika.

Mhando yembeu yemapfunde inowanikwa kuSeed Co inonzi SC Sila inopa varimi goho riri pakati pematani mana kusvika matanhatu pahekita imwechete, zvichizosiyana nemarimirwo anenge aitwa mbeu kumunda.

Chimwe chakanakira mapfunde eSC Sila inhau yekuti anoita misoro yakakura uye akapfupika pahunhu hwawo izvo zvinoita kuti varimi vadyare madzinde akawanda pandima.

Huwandu hwemadzinde hunoita kuti varimi vawane goho repamusoro. Pakurima gorosi, zvakakosha kuti varimi varonge nenguva, zvikuru sei kuti mvura yemadiridziro inokwana here (450 -600mm) inodiwa kuti varime gorosi. Varimi vanokurudzirwawo kuti vatenge feteraiza, mishonga yesora pamwechete neyetwumbuyu inodiwa vasati vadyara.

Pamutambo uyu, murimisi weSeed Co Amai Wendy Madzura vakapa varimi mazano okugadzirira kutanga kwemwaka wa2019/2020.

Yambiro yavo huru yaiva yokuti varimi vasarudze mbeu nehungwaru maringe nemanairo achaita mvura.

Kana vasarudza mbeu, varimi vakakurudzirwa kuti vacherechedze zvese zvinoita kuti varime zvine pundutso kumunda (sora, feteraiza, twumbuyu nezvirwere) izvo zvinopinda mubandiko reanonzi maGood Agronomic Practices (GAP’)

Mumashoko avo okutenda pagungano iri, VaDavison Marapira avo vanove mumiriri weMasvingo North mudare reNational Assembly vakarumbidza varimi vose nokuuya kuungano iyi.

Vakatendawo Seed Co nekuuchika mbeu dzinopa goho repamusoro.

VaMarapira vakapedzisa nokutenda vashandi nemhuri yese yepa Mbungo Estate nokugona kurima.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>