Fata onzi akadyisa mukuru wechikoro ‘poison’

22 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Fata onzi akadyisa mukuru wechikoro ‘poison’ Muchetura weCyanide

Kwayedza

Nyore Madzianike

MUPIRISITI kana kuti fata wepaSt Paul’s Musami High School iri kwaMurehwa amiswa pamberi pedare achipomerwa mhosva yekuisira mukuru wechikoro muchetura apo anonzi akauisa mukomichi yesvutugadzike panguva iyo vanhu vainge vambozorora pamusangano waiitirwa muHarare.

Ugenio Phiri akamiswa pamberi pedare reHarare Magistrates Court achipomerwa mhosva yekuisira chepfu VaRichard Hlombe musvutugadzike pamusangano wavakaita paMsasa Training Bureau, muHarare mumwedzi waKurume gore rino.

Phiri anoramba mhosva iyi pamberi pemutongi wedare iri, Mai Munashe Chibanda.

Muchuchisi munyaya iyi, VaTinos Masimba, vanoti nemusi wa1 Kurume gore rino, VaHlombe vakatyaira motokari vachibva kwaMurehwa vachienda kuMsasa Training Bureau kumusangano.

Nguva dzava kuma10 mangwanani, VaHlombe, Phiri nevamwe vaive pamusangano uyu vakaenda kunodya chikafu chemangwanani paMsasa Training Bureau Restaurant.

Zvinonzi pavakanga vari mumutsetse vachida kudya, Phiri akabva atanga kugovera makomichi ekunwira tsvutugadzike kune vamwe vaivepo.

Vaenzi vane chitsama vanosanganisira VaHlombe vakawana makomichi kubva kuna Phiri vasati vaenda kunozvidirira svutugadzike, dare raziviswa.

VaHlombe vanonzi vakanwa svutugadzike iyi asi vachangopedza kudya, vakatanga kurwadziwa nemudumbu.

Vanonzi vakarwadziwa zvakanyanya zvekuti vakasarudza kuenda kunorapwa mushure mekunyumwa kuti vakange vadya muchetura.

VaMasimba vanoti pakazoitwa ongororo nemachiremba, zvakaonekwa kuti VaHlombe vakanga vadya muchetura.

Ongororo iyi inonzi yakaratidza kuti huwandu hwemuchetura hwemhando yeCyanide hwakanga huri kuramba huchiwedzera mumuviri mavo panguva iyi.

VaHlombe vaudza dare kuti Phiri ari kuvarwisa nekuti agara achinyunyuta kuti haadi kuti munhu asiri wechechi yeRoman Catholic atungamirire chikoro ichi.

Vanoti kunyangwe hazvo vachimbodyidzana zvakanaka, vanombotadza kuwirirana pane dzimwe nyaya dzehutungamiriri hwepachikoro ichi.

VaHlombe vanoti kunetsana kwavo kunopera mushure mekunge vasangana nevesangano reJesuit Society kana kuti vakuru vezvedzidzo (Provincial Education Director) vekuMashonaland East.

Phiri anoramba mhosva yaari kupomerwa iyi achiti akanga asina mushonga wemuchetura waaive nawo.

“Handina kumbopa mumhan’ari komichi yainge ine muchetura kana kuisa muchetura mukomichi kana chimwe chinhu zvacho.

“Mhosva dzandiri kupomerwa idzi zviri kukonzerwa nekuda kwegodo uye dzinobva pamaonero asiri iwo emumhan’ari ekuti pane ruvengo pakati pake neni.

“Handione mumhan’ari semhandu yangu zvisinei nekuti iye ane maonero akasiyana zvachose izvo zvakaita kuti ataure mashoko emanyepo aya,” anodaro Phiri.

Anoti haagutsikane negwaro rakaburitswa mudare naVaHlombe rekuvhenekwa kwavanonzi vakaitwa nemachiremba, achiti rinotaridza kuti ndere musi wa2 Kukadzi apo nyaya iyi yaive isati yaitika.

Phiri ari kutarisirwa kudzoka mudare musi wa27 Gunyana apo kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>