Fetiraiza, mbeu yepachena kuvarimi vedonje

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Fetiraiza, mbeu yepachena kuvarimi vedonje Cde Justice Mayor Wadyajena

Kwayedza

Zvamaida Murwira

ZVIRONGWA zvePresidential Input pamwechete neTillage Scheme zvakaparurwa kuGokwe nguva pfupi yadarika paine kurudziro yekuti hapana munhu ane chigaro chikuru muHurumende anofanira kushandisa huwori pakugoverwa kwezvekushandisa izvi.

Zvekushandisa pakurima izvi zvinofanira kupiwa kuvarimi vakakodzera kuzviwana.

Chikamu chekupihwa kwevarimi zvekushandisa pachena ichi, chakaparurwa nemusi weMugovera wadarika paGokwe Nembudziya Depot.

Pasi pechirongwa ichi, donje rinotarisirwa kukohwewa matani 8 000 paminda yakakura kusvika mahekita 19 000 nekuti dunhu iri ndiro rinorimwa donje rakawanda muZimbabwe.

Murimi mumwe nemumwe akapihwa 20kgs dzembeu yedonje, masaga matatu emafetiraiza, pombi yekufiritisa nemishonga yakasiyana-siyana yekushandisa pamwechete nemabhero ekuisira donje.

Zvose izvi zvakapihwa pachena.

Vachitaura pagungano iri, mumiriri weGokwe Nembudziya mudare reNational Assembly, Cde Justice Mayor Wadyajena, vakakurudzira varimi kuti vashande nesimba kuti Zimbabwe idzoke pachidanho chekupa dzimwe nyika chikafu kubva mukurima.

Vanoti kuburikidza nehutungamiriri hwaPresident Mnangagwa, chirongwa ichi chakakwanisa kuparurwa zvikabudirira uye varimi vave kurima vachiratidza hunyanzvi hwavo.

“Ndinotenda Hurumende nekupa zvekushandisa pakurima izvi pachena uye pasina tsvete. Izvi ndizvo zvinotarisirwa nemutungamiriri wenyika. Hakuna munhu kana vari mune zvematongerwo enyika, kusanganisira inini, anofanira kuuya achisandura mapirwo anoitwa vanhu zvekushandisa pakurima izvi,” vanodaro Cde Wadyajena.

Vanoyambira nhubu dzine katsika kekutengesa goho kumwe kunenge kusina kutarwa neHurumende kuti dzisayane nekatsika aka.

“Ndinokurudzira vatungamiriri vematunhu pamwechete nevemutemo kuti vaongorore vaya vanotengesa zvavanenge vakohwa pakurima pasi pechirongwa ichi. Vese vari pasi pechirongwa ichi vanofanira kutengesa goho ravo kuCottco inova ndiyo yakanzi neHurumende itengeserwe donje,” vanodaro.

VaChrispen Gwauya avo vanove business unit manager kuCottco vanoti Gokwe yagara inozivikanwa kuti ndiyo inokohwewa donje rakawandisa munyika muno naizvozvo zvinoda kuti varimi vemunzvimbo iyi vashande nesimba.

“Izvi zvinoreva kuti hatitarisiri kuti mungatengesa zvekushandisa pakurima zvatiri kukupai pachena izvi.

Tinofanira kurima toona kuti tarega kuita zvinounza mari muhomwe dzedu chete nezvekushandisa izvi,” vanodaro VaGwauya.

Sachigaro weCotton Producers’ and Marketers Association VaStewart Mubonderi vanoti kutengesera goho kune makambani asina kutarwa neHurumende hakuna kunaka zvachose.

“Ngatifambiranei nemuono wemutungamiriri wenyika vari kuti kuburikidza nekuita zvine pundutso nyika inoenderera mberi uye panova neshanduko,” vanodaro VaMubonderi.

Vanoti hurumende yakagadzirira kuvandudza donje remuno kuti mari yekunze inowanikwa pakutengesera zvigadzirwa kubva mudonje iwande.

Chirongwa ichi chekupiwa zvekushandisa pakurima donje pachena chinosanganisira kurimirwa minda pachena zvakare.

Hurumende yakaparura chirongwa chePresidential Input Scheme zvichitevera kuderera kwekurimwa kwedonje nekuda kwekukwikwidzana kwemitengo nedzimwe nyika.

 

Share This:

Sponsored Links