Kwayedza
Muchaneta Chimuka
FODYA yatengeswa kubvira pakatanga mwaka wekutengeswa kwechirimwa ichi kusvika pari zvino inokosha US$404 miriryoni panguva iyo vanoona nezvechirimwa ichochi vari kuedza kuvandudza mimwe mitemo iri maringe nekurwiswa kwechirwere cheCovid-19.
Varimi pari zvino vatengesa makgs 149 miriyoni efodya kana zvichienzaniswa nemakgs 119,4 miriyoni akatengswa panguva imwe chete iyi gore rapera.
Ongororo yakaitwa nekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoratidza kuti varimi vemakondirakiti ndivo vatengesa fodya yakawanda kumisika.
Pari zvino, mabhero 132 776 efodya ayo akangoenzana ne9.8 miriyoni kg ndiwo atengeswa kumisika yefodya apo mabhero 1,8 miriyoni anova akaenzana ne138.9 miriyoni kgs atengeswa nevarimi vemakondirakiti.
Kuvarimi vemakondirakiti, fodya yepamusoro iri kutengwa neUS$6.70 pakg apo kune mimwe misika yose iri kutengwa ne$4.99 pakg.
Zvichakadaro, varimi vefodya vari kuramba vachiyambirwa kuti vatevedzere mitemo yakatarwa neHurumende yekurwisa chirwere cheCovid-19 sekuregedza kuungana, kuderedza nzendo pamwe nekugeza maoko nemasanitizer kana nemvura nesipo, kupfeka mamasiki uye kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.
Dr Shadreck Makombe, avo vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, vanoyambira varimi kuti vazvichengetedze kubva kuchirwere cheCovid-19.