Fodya yatengeswa pari zvino

10 May, 2023 - 17:05 0 Views
Fodya yatengeswa pari zvino Musika wefodya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HUWANDU hwefodya yakatengeswa kumusika mumwaka uno hunonzi huri kuramba huchikwira kubva payatanga kutengeswa mwedzi wadarika.

Kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB), inoti fodya yakatengeswa kusvika musi wa5 Chivabvu iro raiva zuva rechi39 mwaka wekutengeswa kwefodya watanga, inokwana 160 458 310 kgs ichikosha US$480 692 757. Fodya iyi inosanganisa yekumisika yeruzhinji yeauction sale inokwana 13 535 568 kgs kuchitiwo kumakambani anobatsira varimi (contract) yasvika 146 922 742 kgs.

Kana zvichienzaniswa nemwaka wa2022, fodya yatengeswa panguva imwe chete iyi yaivaa 113 589 984 kgs iyo yaikosha US$339 248 627.

Huwandu hwefodya iyi hunoratidza kukwira kwefodya inounzwa kumisika kana zvichienzaniswa negore rakapera. Kambani iyi yakaburitsa pachena kuti mumwaka uno mabhero aunzwa kumisika yose kusvika zvino anokwana 2 039 547 zvichienzaniswa nemabhero 1 537 580 enguva imwe cheteyo gore rapera.

Mabhero arambwa kumisika mumwaka uno kusvika nemusi wa5 Chivabvu nekuda kwezvikonzero zvakasiyana anokwana 52 972, panguva imwe chete iyi mugore ra2022 mabhero akarambwa aiva 41 452.

Varimi vanokurudzirwa kutevedza zvinodiwa pakugadzira mabhero efodya nekuzoatakura sezvo vamwe vachinzi vanowedzera fodya yavo nezvimwe zvinhu kuti ireme, kana kuti vanotakura fodya iyi nemarori ane tsvina mukati kana mafuta edzimotokari zvinoita kuti izorambwa kumisika.

Share This:

Sponsored Links