Fodya yemadiridziro yotanga kukohwewa

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Fodya yemadiridziro yotanga kukohwewa Dr Matibiri

Kwayedza

Wimbainashe Zhakata

KUKOHWEWA kwefodya yakarimwa kuburikidza nemadiridziro munaGunyana gore rapera  kwakatotanga kudunhu reManicaland uye mahekita akarimwa chirimwa ichi akaderera kubva pa24 000  aitarisirwa kuenda pamahekita 13 000.

Fodya yakarimwa kuburikidza nemadiridziro munaGunyana gore rapera kudunhu reManicaland yakatotanga kukohwewa.

Zvisinei, kuenda kwemagetsi kwakaita kuti varimi vasadiridzira fodya yavo zvakakwana sezvo ichida mvura yakawanda nezvimwewo zvinodiwa pakurimwa kwayo.

Kuenda kuri kuita magetsi hakusi kutarisirwa kupera nekukasira sezvo kambani yeZESA Holdings isingakwanisi kutenga magetsi kubva kunze.

Kunze kwemagetsi, marasha pamwechete nehuni zvinokwanisa kushandiswa zvakare pakuomesa fodya.

Mukuru weAgritex kuManicaland, Mai Phillipa Rwambiwa, vanotsinhira kuti kukohwewa kwefodya yakarimwa nemadiridziro kwakatotanga uye kuti mahekita akarimwa akaderera pane avaitarisira mwaka uno.

Mai Rwambiwa vanoti fodya yava kukohwewa kunzvimbo dzayagara ichirimwa zvakanyanya dzinosanganisira Rusape, Headlands, Nyazura neOdzi.

Zvisinei, imwe fodya zhinji haisati yaibva asi inotarisirwa kutanga kukohwewa pakati pemwedzi waNdira.

“Mumwaka wa2018/19, minda yakakura kusvika mahekita 24 000 yaidiridzirwa nemvura yekunaya uye yaitarisirwa kurimwa fodya mudunhu rino asi pakakwanisa kurimwa mahekita 13 000 chete nekuda kwekushomeka kwemvura pamwechete nezvekushandisa pakurima, pakati pemamwe matambudziko,” vanodaro.

Kusanaya kwemvura kuri kuitika parizvino munyika yose, kwakonzeresa kuti mashizha efodya asvave zvinova zvinokanganisa kunaka kwayo pakuratidzika.

Nyanzvi pakurimwa kwefodya, VaDouglas Nzarayebani, vanoti fodya yakarimwa nemvura yekunaya haizi kuratidzika zvakanaka.

“Takarima fodya paminda yakakura mahekita 13 000 mudunhu rino uye varimi vakatotanga kukohwa fodya yakarimwa nemadiridziro. Zvisinei, vamwe vakarima vachishandisa mvura yekunaya vakatangawo kuibatsiridza nekuidiridza nekuda kwekunonoka kuri kuita mvura kunaya,” vanodaro VaNzarayebani.

Vanoenderera mberi vachiti, “Fodya yekudiridzira yakarimwa munaGunyana uye vamwe varimi vava kutokohwa nekupisa fodya yavo. Mwaka wapfuura, goho redu rakanga rakanaka kana tichienzanisa nemwaka uno. Mwaka uno uchava wakaipisisa kana tichienzanisa nemimwe mwaka yese yakadarika,” vanodaro VaNzarayebani.

Vanoti kukanganisika kwefodya kunovhiringidza mamiriro ehupfumi hwenyika sezvo ichiunza mari yakawanda yekune dzimwe nyika.

Chamangwiza weTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) Dr Andrew Matibiri vanokurudzira varimi vefodya yaibva kuti vatange kuipisa.

“Nguva ino yegore varimi vakarima fodya yavo inoshandisa mvura yekunaya vanofanira kuona kuti mufodya mavo hamuna sora uye mabhani avo agadzirwa kuti vatange kupisa fodya.

“Kusina kunaya mvura yakawanda, varimi vaichera zvikomba vorija kuitira kuti panouya mvura hairasike. Kutarisa tupukanana nenhata zvinodya fodya zvinofanira kuitwa nguva nenguva,” vanodaro Dr Matibhiri.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>