Fodya yowanda kumisika

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Fodya yowanda kumisika Dr Andrew Matibiri

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti kubva pakavamba mwaka wekutengeswa kwefodya masvondo adarika, kwatengeswa 876 804 kgs ayo anokosha $1 500 600 uye varimi vave kuunza chirimwa ichi chakawanda kumisika yakasiyana kana zvichienzaniswa nemazuva ekutanga.

Panguva imwechete iyi mwaka wadarika, kwaive kwatengeswa fodya yairema 8 901 627 kgs ichikosha $24 573 445 izvo zvinorakidza kudzikira kukuru kwefodya yaendeswa kumisika kusvika parizvino mwaka uno.

Chamangwiza veTIMB – Dr Andrew Matibiri – vanoti varimi pakutanga vaiunza fodya yavo kumisika vari vashoma zvikuru asi ndokutanga kuwanda nekufamba kwenguva zvichitevera mamwe matambudziko ari kusanganikwa nayo  munyaya dzekutengeswa kwefodya.

Mamwe ematambudziko aya anosanganisira mutero we2 percent uyo wainzi varimi vanofanirwa kubhadhara asi wakazobviswa neHurumende.

“Huwandu hwevarimi vedu vari kuendesa fodya yavo kumisika yakasiyana huri kuwanda izvo tinotarisira kuti panopera svondo rino tinenge tava nefodya yakawanda inounzwa kumisika, zvikuru apo varimi vanenge vachida kuenda kuzororo rePasika neIndependence,” vanodaro.

Kumisika yose – iyo inosanganisira Boka Tobacco Auction Floors (BTF), Tobacco Sales Floor (TSF), nePremier Tobacco Floors (PTF) –  fodya inonzi iri kunzwa yakawanda kana zvichienzaniswa nemazuva ekutanga emwaka uyu.

Mumisika yeruzhinji, fodya yaiva yaendeswa inonzi yaikwana 631 805 kgs uyewo kuchiti varimi vemakondirakiti vanobatsirwa kurima nemakambani akasiyana anotenga fodya yaiva yasvika 244 999 kgs.

Mutengo wepamusoro kumisika yeruzhinji waiva  $4,50 pakg kuchitowo kuvarimi vemakondirakiti uri  $5,00 pakg.

TIMB yakazivisa kuti mutengo wepasi waiva $0-30c pakg.

Gore rapera, panguva imwechete, mutengo wepamusoro kumisika yeruzhinji waiva $4,90 pakg apowo kumisika yemakondirakiti uri $5,78 uyewo  wepasi-pasi waiva $0,10c.

TIMB inoti iri kukurudzira varimi kuti vagadzirise magwaro ose anodiwa munyaya dzekutengeswa kwefodya vasati vatakura fodya yavo kuendesa kumisika kuitira kuti vasazosangana nematambudziko akasiyana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>