Gadziriro dzekukohwa gorosi

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Gadziriro dzekukohwa gorosi

Kwayedza

Omega Chigwanda

MINDA mizhinji yakarimwa gorosi iri kuyevedza zvikuru. Varimi vanokurudzirwa kuti varambe vachicherechedza kuti hapana here zvirwere nezvipembenene zvingangodai zviri kuvhiringa gorosi ravo.

Kana zvirimwa zvikavhiringidzwa nezvirwere kana zvipembenene, goho remurimi nehunaku hwegoho racho zvinoderera  zvinova zvinodzikisawo mari yemurimi. Zvakanaka chose kuti varimi vegorosi vatange kugadzirira michina yavo yekukohwesa kune avo vanoshandisa michina sezvo chirimwa chekutanga choda kukohweva.

Nyaya yegadziriro dzekukohwa gorosi yakakosha zvikuru nekuti kana chirimwa chedu chikanonoka kubviswa muminda, pane dambudziko rekuti mvura yemudenga ingazotanga kunaya gorosi richiri mumunda izvo zvinokonzera kuderera kwehunaku hwetsanga dzechirimwa ichi.

Vamwe varimi vane nharaunda dzakaita diki vanoshandisa maoko vachiiita rekucheka nemajeko. Ivava vanokurudzirwa zvekare kuti vatange kugadzirira zvavanoshandisa pakukohwa uye pavachange vachizopurira gorosi ravo.

Chirimwa chegorosi chiri pamunda paShe Mubvakacha, VaLuke Chipunza kuEmerald West, mudunhu reMakoni, avo vakarima SC Nduna chiri kuyevedza. Iyi mbeu yegorosi inowanikwa kuSeed Co zvakare inotora mazuva 137 kusvika pakunokohwewa.

VaChipunza vanoti ivo vari kufadzwa chaizvo nekukura kuri kuita gorosi ravo reSC Nduna.

Nguva ino yemwaka varimi vanokurudzirwa kuti vasimudzire pamusoro gadziriro dzavo dzekutanga mwaka wa2020-2021. Gadziriro idzi dzinosanganisira kuchera makomba, kuisa lime muminda, kucheka nekuchengetedza huswa hwekuwaridzira, kutenga mbeu, mafetereza nemishonga yemakonye.

KuSeed Co varimi vanogona kutenga vakabatana semapoka atinoti maFarmer Buying Groups kana kutenga muzvitoro zvakatenderwa kutengesa mbeu.

Kutenga muchitoro chakatenderwa kutengesa mbeu kwakanakira kuti murimi anowana mbeu inenge yakachengetedzwa zvakanaka zvinova zvinopa mbeu manyemwe ekuti iite chaizvo zvayakatarirwa nevauchiki kana ichinge yaiswa muvhu.

Kana varimi vakatenga kuSeed Co vari mumapoka, zvinoita kuti vaderedze mari yavanga vachada kushandisa pakutenga mbeu. Panzvimbo yekuti mumwe nemumwe akwire bhazi kuenda kuchitoro kunotenga mbeu, varimi vanokwanisa kuvigirwa mbeu kwavagere nevashandi vekuSeed Co vebazi reMarketing avo vakatekeshera nenyika yose.

Murimi akarongeka anotenga mbeu yake nenguva kuti agozokwanisa kuwana goho rakanaka.

Mai Madondo vanoti mwaka uno vainge vakarima mbeu yekuSeed Co SC 529. Vanoti mbeu iyi yakavanakira chose sezvo ichitsungirira muzuva uye tsanga dzayo dzinorema.

KuSeed Co tinoti, “ZVINOTANGA NEMBEU CHAIYO”

Omega Chigwanda mumiririri weSeed Co kudunhu reManicaland uye anobatika pa 0779037751

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>