Gadziriro yeshoo yotanga 

02 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Gadziriro yeshoo yotanga  Dr Andrew Matibiri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRONGWA cheZimbabwe Agricutural Show che111 Edition gore rino chichaitwa kutanga nomusi wa27 Gunyana kusvika 1 Gumiguru pachitevedzerwa matanho ekurwisa chirwere cheCovid-19 uye varimi neveruzhinji vachada kupinda mushoo iyi vanofanirwa kunge vakabaiwa majekiseni ekudzivirira kupararira kwedenda iri ose ari maviri (1st dose ne2nd dose).

Pamusoro pezvo, vose vasina kubaiwa majekiseni aya vanofanirwa kuve nemagwaro anotaridza kuti vakavhenekwa chirwere ichi mukati memaawa 48.

Vachitaura nevatori venhau muguta reHarare pamusoro pehurongwa hweshoo iyi, Dr Andrew Matibiri vanova chamangwiza wesangano reZimbabwe Agricultural Society (ZAS) vanoti vanhu vachange vachivhenekwa zvekare kudziya kwemuviri kumagedhe uko vanopinda nako pamwe nekupfapfaidzwa muviri nemishonga inouraya hutachiona hweCovid-19, donzvo guru riri rekuchengetedza hupenyu panguva inowanza kuungana veruzhinji iyi.

“Shoo yegore rino ichange iine musiyano kana tichienzanisa neyegore rapera iyo yakanga yakanangana nevemabhizimusi bedzi sezvo chinangwa chikuru chaiva chekuderedza huwandu hwevanhu vanopinda mushoo nekuti panguva iyoyo chirwere ichi chakakanga chichangopinda munyika muno, vanhu vachibatwa nacho uye kufa nehuwandu hwavo,” vanodaro Dr Matibiri.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vachawanikwa vachityora mitemo yekurwisa kupararira kwedenda reCovid-19 vachasungwa. Saka zvakakosha kuti varimi pamwe neveruzhinji vapfeke mamasiki avo vachivhara muromo nemhuno uye kuregedza kuungana nekuti zvinokonzera kuti chirwere ichi chipararire zvichidzorera zvekare kumashure mabasa ebudiriro munyika muno.”

Dr Matibiri vanoti munzvimbo dzose dzichange dzichisvikira vanhu vachiona zvirimwa nemimwe midziyo kushoo, muchange muine pekugezera maoko kana kuzora mishonga yemasanitizer.

“Tinofara zvikuru kuti gore rino takabura goho guru zvichitevera kuturuka kwakanaka kwemvura nokudaro shoo iyi ichanakidza nekuti gore rapera varimi vakanga vakaomerwa zvekuti vakangoita zvekusvina-svina kuti vakwanise kuunza zviratidzwa zvavo kushoo zvichitevera nzara yaiveko nekuda kwekushomeka kwemvura. Tinoda kuti varimi varime zvirimwa zvinotirira muzuva kuitira kuti vakwanise kurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze. Zvekare, tichange tichisimbaradza nyaya dzemabhizimusi ari maringe nezvicherwa kuti arambe achisimudzira hupfumi hwenyika,” vanodaro.

Dr Matibiri vanoti huwandu hwevanhu kushoo huchange huchiongororwa nguva nenguva kuburikidza nemakarema emuchadenga (drones) kuitira kuderedza nyaya dzekuungana kwevanhu dzinova dzinonenekedza veruzhinji panyatwa yekutapurirana chirwere cheCovid-19.

Sachigaro webhodhi reZimbabwe Agricultural Society, VaIvan Craig, vanoti nhandare yeshoo yese ichange ichifiritwa nemishonga inouraya hutachiona hweCovid-19 zuva nezuva, mangwanani nemanheru panopera shoo.

“Hatidi kuti vanhu vazonzi varwara mushure mekubva kushoo saka tichange tichiita ongororo yakasimba kuti utano hwachengetedzwa nguva dzose. Hatisi kuzobvumira motokari kuti dzipinde mukati uye kana munhu uchiziva hako kuti uri kurwara zvakakosha kugara kumba pane kuisa hupenyu hweruzhinji parumananzombe,” vanodaro.

VaCraig vanoti shoo yevarimi iyi ichange ichizarurwa zviri pamutemo nomusi wa30 Gunyana pasi pedingindira rinoti “Hwaro, Hwebudiriro- – – – Ngatibatanei, Ngatishandei Pamwe, Nekutenda”.

Vanoti muenzi mukuru achazovhura shoo iyi zviri pamutemo achaziviswa kuruzhinji nekufamba kwenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>