Gidza Boy (13) obura dambarefu

24 Feb, 2022 - 09:02 0 Views
Gidza Boy (13) obura dambarefu GIDZA Boy aina Phineas Matanda

Kwayedza

Abel Ndooka

KAKOMANA kane makore 13 ekuberekwa ako kari kuita Grade 7 konyora nhoroondo munyaya dzemimhanzi izvo zvichaona kachiparura dambarefu rekutanga iro rakakashanda nevaimbi vanosanganisira Mathias Mhere.

Gilbert ‘Gidza Boy’ Kanzira, uyo anoimba musambo weContemporary neDancehall, achaparura dambarefu rake rekutanga rinonzi Manake mumasvondo anotevera.

Anoti kubva achizvarwa, akakura achingofarira zvemimhanzi achiterera vaimbi vakasiyana vakaita saMhere avo vaanoyemura ndokuzowaniswa mukana wekushanda naye.

Anoti mhanzi yake inodzidzisa veruzhinji kuti vagare vari murudo, vabatane uye tsika nemagariro zvakanaka. “Mimhanzi chombo chakasimba chinodzidzisa vanhu kuti vagare zvakanaka uye vakabatana pane zvose zvavanoita. Saka ini ndiri kutsikisa mhanzi iyi ndichifundisa veruzhinji kuti ngatigarisane zvakanaka uye tive vanhu vamwe chete, tichichengetedza tsika dzedu nguva dzose,” anodaro Gidza Boy.

Padambarefu rake rekutanga, Gidza Boy akashandawo naShantel Sithole anove muimbi weKanindo gospel ari kunetsa pari zvino.

“Ndakaita rombo rakanaka kuwaniswa mukana wekushanda nevaimbi vane mukurumbira vakaita saMhere naSithole avo ndakadzidza zvikuru kubva kwavari. Ndinovimba kuti dzidziso yavo ichandibatsira kuti ndikure mumhanzi,” anodaro.

Maneja waGidza Boy, Phenias ‘Sir Phinmat’ Matanda, anotiwo vari kufamba naye vachimuratidza gwara remimhanzi.

“Gidza Boy mwana anoziva zvaanoita, ndiko kusaka tiri kufamba naye tichimubatsira kuti basa rake rifambe zvakanaka.

‘‘Tinoda kumuratidza gwara chairo rekufamba naro kuti agone kubata shiri mbiri nedombo rimwe. “Ini samaneja ndiripo pakumubatsira zvemhanzi kuti ikure isvike kuvanhu, nekune rimwe divi tichimuongorora kuona kuti ari kuita zvemabhuku ake here,” anodaro Matanda.

Share This:

Sponsored Links