‘Gmb ngaibhadhare varimi nenguva’

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
‘Gmb ngaibhadhare varimi nenguva’

Kwayedza

MASANGANO anomirira varimi anoti dura renyika reGrain Marketing Board rinofanira kubhadhara varimi vanoendesa zvirimwa zvavo kwariri nenguva kuitira kuti vakwanise kuenderera mberi nemabasa avo.

Zvakadaro, mamwe sangano aya ari kuti zvakare anoda kuti mutengo wechibage ukwire kubva paUS$390 patani kusvika paUS$400 uye kuti varimi vapihwe mari iyi apo vanoendesa chibage chavo kuGMB kwete kuti vatore nguva yakareba vasati vabhadharwa.

Mutungamiriri weZimbabwe Farmers Union, VaAbdul Nyathi, vanoti zvakakosha kuti GMB ibhadhare varimi mari yavo nenguva kuitira kuti vakwanise kudzokera muminda.

“Mitengo yechibage inofanira kuwedzerwa kusvika paUS$400 patani kana vachida kuramba vachipinda mubhizimusi rekutengeserana chibage nevarimi. Dura guru reGMB rakakosha zvikuru uye rinofanira kugara riine chibage. Kana vakasadaro varimi vanopedzisira vave kutengesa chibage chavo nerweseri kune vamwe vatengi vakazvimiririra vanenge vaine mari,” vakadaro.

Mashoko avo akatsinhirwa nemutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Trust, Mai Depinah Nkomo, vachiti mutengo wechibage unofanirwa kuwedzerwa kusvika paUS$400 patani.

“Tinofanira kubhadharwa chibage chedu pazuva rachinotambirwa kuGMB sezvinongoitwawo kumisika yefodya kuitira kuti varimi vasarasikirwe.

‘‘Zvekare, mitengo yacho inofanira kuwedzerwa kuti itigutse nekuti kune zvinhu zvakawanda zvinodiwa mukurima chibage kusvika pakukohwa chaiko,” vakadaro.

Mai Nkomo vanoti kune vamwe varimi vakakundikana kubhadhara zvikwereti nekuda kwekuti vakanonoka kupihwa mari yavo neGMB yechibage chakavaendesa kudura iri mwaka wadarika.

“GMB inofanira kugadzisira dambudziko iri mwaka uno nekuti vamwe varimi vakakundikana kubhadhara chikwereti uye chinoramba chichibereka nekuda kwekunonoka kubhadharwa,” vakadaro.

Zvakadaro, mutungamiriri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaWonder Chabikwa, vanoti mutengo weUS$390 patani uyo wakadzikwa neHurumende gore rapera wakanaka chaizvo kunyangwe zvazvo pachine mukaha panyaya yekunonoka kubhadharwa kwevarimi neGMB.

“Tinovimba kuti vatengi vakazvimiririra havasi kuzotora mukana uyu mukutenga chibage nemari iri pasi zvinova zvinozotsikirira murimi,” vakadaro.

Vanoti vari mubhizimusi rekutengesa hupfu vanofanira kutsigirawo varimi kuburikidza nekutenga chibage chavo pachinzvimbo chekutenga hupfu kune dzimwe nyika.

Share This:

Sponsored Links