Goho ringangodzikira: zfu

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Goho ringangodzikira: zfu VaPaul Zakariya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union rinoti goho revarimi mumatunhu akasiyana enyika rinogona kuderera mwaka uno zvichitevera kunonoka kuturuka kwemvura yemudenga uyewo nemakonye emhando yeFall Army worm ayo akaparadza zvirimwa zvakasiyana.

Muhurukuro neKwayedza – VaPaul Zakariya – avo vanove executive director weZFU, vanoti chibage kune mamwe matunhu enyika chakaparadzwa nemakonye eFall Army worm zvakanyanya.

“Zvisinei nekuti chibage chizhinji chakange chava kuoma nezuva rakanyanya, makonye eFall army worm nekune rumwe rutivi akanga atotanga kuparadza zvirimwa, zvikuru sei chibage uye varimi vazhinji vakanga vari kungochema-chema nenhau yekukundikana kuwana mishonga yekurwisa makonye aya. Mamiriro ezvinhu aya anogona kuona kudzikira kwegoho remwaka uno,” vanodaro.

Vanoti kufodya vanoona budiriro huru uye svondo rino varimi vanenge votanga kutengesa chirimwa chavo kumisika zvichitevera kutanga kwemwaka wekutengesa fodya.

“Varimi vazhinji vefodya vari mushishi kupisa fodya yavo segadziriro yekuti inge ichienda kumisika. Kana iri nyaya yemafashamu emvura ine dutu (cyclone Idai) ayo akabata zvikuru kunzvimbo dziri kuManicaland tine chikwata chiriko chebazi rinoona nezveminda uye kurima chiri kumema nzvimbo idzodzo kuti vaone kuti varimi vakarasikirwa nezvirimwa zvavo uye zvipfuyo nehudzamhu hwakadii. Saka takatomirira magwaro anobva kwavari kuti zvakamira sei kuti tigokuzivisaiwo,” vanodaro.

Panyaya yezvirwere zvinobata zvipfuyo, VaZakariya vanoti vanokurudzira varimi kuti vadhibhise mombe dzavo senzira yekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe.

“Zvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe ndizvo zvakanyanya munyika yese zvekuti kusvika pakupera kwemwedzi waNdira takarasikirwa nemombe dzinosvika 51 000 idzo dzakafa nechirwere chinodaidzwa kunzi January Disease. Varimi ngavaregere kumirira rubatsiro rweHurumende kana pari panyaya dzekudhibhisa mombe dzavo, zvakakosha kuti vange vachibatsirawo kuti mombe dzavo dzinge dzichirarama,” vanodaro.

Zvakadai, Mai Depinah Nkomo vanova mutungamiriri wesangano rinomiririra madzimai ari munyaya dzekurima reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association vanoti varimi vazhinji vakarasikirwa negoho ravo nekuda kwezuva kusara bedzi kweavo vakanga vachirima nenzira yemadiridziro.

“Tinoona kuti kuburikidza nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, zvakakosha kuti sevarimi vechidzimai tinge tichitsigirwawo neHurumende munyaya dzemadiridziro kuitira kuti kana mvura yemudenga ikakundikana kuturuka zvakanaka hatizorasikirwi nezvirimwa uye zvipfuyo zvedu sezvakaitika gore rino,” vanodaro

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>