‘Handina chinhu, ndichiri mwana wechikoro’

17 Apr, 2023 - 11:04 0 Views
‘Handina chinhu, ndichiri mwana wechikoro’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wekuzama kunzvenga kubhadhara mendenenzi yekuchengeta mwana wake achiti iye achiri mwana wechikoro akairasa sezvo akazotaura mashoko anopikisana mudare akatongerwa kuti abvise US$45 pamwedzi.

Ruth Ngwerume akaendesa Descend Muodzeri kuHarare Civil Court achida US$150 pamwedzi yekuriritira mwana wavo.

“Muodzeri anoshanda kuMona Vintage iyo inomupa US$200, handisi kukwanisa kunotora gwaro (payslip) remuhoro wake nekuti anoshanda nehanzvadzi yaamai vake. Gwaro iri handimboriwani nekuti sekuru ava ndivo mukuru pakambani iyi. Dai agona kundipawo mari inoita US$150 ndikwanise kuchengetawo mwana,” anodaro Ngwerume.

Achipawo divi rake, Muodzeri akambotanga achinyepa kuti achiri mwana wechikoro nekudaro haakwanise kuriritira mwana wake.

Asi mushure mekubvunzurudzwa nedare, akazotaura kuti akapedza chikoro uye haana basa chairo raanoita.

Muodzeri akati anomboita zve”plumbing” achiwana US$20 pamwedzi, asi mushure mekunge avarairwa zvakare, akati anowana US$50 pamwedzi kubva kubasa iri zvinove zvakazogumbura mutongi, Muzvare Sharon Mashavira.

“Ndichiri kugara nevabereki uye handisati ndawana basa. Handina kubvira ndakambopihwa US$200 kubasa, ndaitove pa’attachment’ apo ndaisapihwa mari,” anodaro Muodzeri.

Muzvare Mashavira vakati Muodzeri abhadhare US$45 pamwedzi woga-woga.

“Mwana anodawo chikafu, zvipfeko nemishonga naizvozvo unofanira kutoshanda sababa kuti mwana achengeteke,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links