‘Handizi shoroma, ndiri hwindi’

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achida mari yemendenenzi achinzi ishoroma uye akatiza mhuri yake kwemakore 11 akati haazi “ngamura” asi kuti anoshanda sahwindi. Mary Makuyana akamhan’arira Thabiso Ncube kudare reHarare Civil Court achida $800 pamwedzi yekuchengeta mhuri yavo. “Vedare murume uyu kutotanga kumuona uku, akandisiya zvakandishamisa kungobuda mumba here kwemakore 11 kwaakanogara handikuzive? Ndinozviziva kuti mari anayo anotambira $1 800 uye ane mota dzake dzinobva muno muHarare kunobata Gweru dzinotakura vanhu,” akadaro Makuyana.

Akaenderera mberi achiti kubva zvakabva murume wake pamba angova munhu wezvikwereti zvoga-zvoga sezvo mari isisamukwanire iye nevana.
“Pawakaenda ndakasara ndikatambura ini. Iko zvino vana vane zvikwereti kuzvikoro saka unofanirwa kundibatsira kuzvibhadhara pamwe nekundibhadharawo ini pachezvangu. Kutaura kuno haatombizivi kuti vana vake vakura sei, vanogarepi, vanodyei kana kupfekei,” akadaro Makuyana.

Ncube akaudza dare kuti akanga asina motokari dzinotakura vanhu sezvaive zvarehwa naMakuyana achiti anoshanda sahwindi.
“Ini nditoriwo zvangu hwindi, ndinowana $15 pasvondo zvichienderana nekudaidzwa kwandinoitwa kumota dzauri kureva saka ndinotikwanisa kukupa $40 pavana vaviri.

Handina kambani yandinoshandira ini ndinototambura nevana vashanu vandinavo, ndatoshaya kuti mari yawareva wakaiwanepi,” akadaro Ncube
Mutongi Babra Mateko akati nyaya yavaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>