‘Hatidi varimi vanoungana’

30 Jun, 2021 - 10:06 0 Views
‘Hatidi varimi  vanoungana’ Paul Zakariya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti rasimbaradza matanho ekurwisa Covid-19 munzvimbo dzinoshandira varimi nekuti vanhu vasaungane uye kutevedza zvose zvinokurudzirwa.

VaPaul Zakariya, avo vanova mukuru weZFU, vanoti nekuda kwekukwira kuri kuita varwere vedenda iri kunyika yeSouth Africa iyo yatakavakidzana nayo nekune dzimwe nzvimbo dzemunyika muno, sanganao ravo riri kutora matanho makuru kuti vachengetedze utano neupenyu hwevarimi vavo.

“Chirwere cheCovid-19 chiriko zvechokwadi uye hachisarudze kuti tiri varimi kana kuti unoitei. Chiri kurwarisa nekuuraya vanhu saka zvinoda kuti tizvichengetedze, mitemo yose inokurudzirwa neveutano nesangano reWorld Health Organisation (WHO) inoda kutevedzwa nekuti tikasadaro tinopera kufa,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti sesangano, danho ravo rekutanga vari kushanda nemakanzuru nebazi rinoona nezvekurima kuitira kuti misika inotengeserwa zvirimwa iwande zvichizoderedza kuungana kwevarimi.

“Tine nzvimbo dzatakapihwa sevarimi kuti tiise misika mitsva nechinangwa chekukamura varimi kubva kwavanoungana kwakaita sekuMbare Musika, kuMbudzi, kwaMachipisa, kuShowground, kuMarondera, kwaRusape, kuSakubva kwaMutare, kuMasvingo, nekumwe. Tiri kuwedzera misika zvichabatsira kuderedza kuungana nedonzvo rekurwisa Covid-19,” vanodaro.

VaZakariya vanoti vane misika mitsva inokwana makumi maviri iri kuvakwa ndokuti gumi yacho yakatotangwa.

“Tikawedzera misika miviri yekutengesa zvirimwa pamusika mukuru woga-woga panzvimbo izvo zvichaita kuti varimi vedu vashande vakataramukana pakutengesa kwavo zvirimwa. Tiri kudyidzana nemasangano akasiyana tichibatsirwa kuwana nzvimbo idzi nemakanzuru.”

VaZakariya vanoti mumisika yose vakaisa nyanzvi dzesangano ravo idzo dzinoshanda neveutano kuti vatevedze zvose zvinokurudzirwa kudzivirira denda ranetsa pasi rose iri.

“Tine vamwe varimi vari kutibatsira zvikuru vasingaendese zvirimwa zvavo kumisika asi vanongotengesera kumapindu avo nekumapurazi izvo zvinovaitira nyore nekuti havasangane nevanhu vakawanda,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti vanohodha vanongonotenga zvirimwa izvi vachienda kwavanotengeserawo pasina kuungana kwevanhu.

“Kureva kuti murimi uyu anenge asina kushandisa mari yake kunotengesa zvichizomuunzira mari zhinji, saka inzira yatinokurudzira zvikuru kuti varimi vatevedze.”

VaZakariya vanoti vari kudzidzisawo varimi kuti vatengese zvirimwa zvavo panhare nepadandemutande pane kuti vaende vachinoungana kumisika.

“Mazuva ano tava kushandisa michina yechizvino-zvino kusanganisa nharembozha pakutaura nevanhu vari kure, ngatishambadzei zvirimwa nezvimwe padandemutande – iya yatinoti digital selling kana kuti digital agriculture. Nenzira iyi hausangane nevanhu vakawanda unotengesa zvako uri mumba mako vanhu vachiuya voga,”  vanodaro VaZakariya.

Vanoti kune zvikwata zvevarimi vanofambisa mashoko ezvavari kutengesa munhare dzavo vanhu vachingonotenga.

“Nenzira iyi tinokwanisa kushandisa mapepanhau kana zvivhitivhiti nenhepfenyuro kushambadza zvirimwa zvedu zvotengwa pasina kuenda kunoungana.”

Vanoti pakurima kwacho zvakare, kune michina yechizvino-zvino inoita kuti varimi vashande vari vashoma zvodzikisa mikana yekutapurirana utachiwana hwechirwere ichi.

“Kungava kudiridza muminda kana kuita mamwe mabasa, kune michina mikuru nemidiki inokwanisa kuti murimi ashande ari oga pasina kusevenza vanhu vakaita chitsokotsoko. Kunewo nzira dzekushandisa michina yekudiridzisa kana magetsi nemigero inofambisa mvura izvo zvinongoitwa nemunhu mumwe chete,” vanodaro.

VaZakariya vanoti nzira nekurudziro dzavari kushandisa zviri kuitwa nevarimi vose kubvira kuvadiki nevakuru.

Share This:

Sponsored Links